MAONERO EDU: AFZ ngairumbidzwe pakusimudzira dzidzo yekumaruwa

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
MAONERO EDU: AFZ ngairumbidzwe pakusimudzira dzidzo yekumaruwa

Kwayedza

BUDIRIRO yeZimbabwe panyaya yedzidzo, iyo yaita kuti nyika ino ive pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica mukugona kuverenga nekunyora nechikamu che92 percent, yakauya kuburikidza nekushanda nesimba kweHurumende kubvira pakawana nyika kuzvitonga kuzere.

Naizvozvo zvakakosha kuti dzidzo irambe ichiwana rutsigiro rwakasimba kuitira kuti budiriro iyi isakanganiswe.

Asi Hurumende yoga haikwanise kuramba ichisimudzira dzidzo sezvo zvichida kuita muonera pamwe sechuma chemuzukuru. Zvinotoda mushandirapamwe pakati peHurumende, makambani akazvimirira pamwe nemapoka anoona nezvedzidzo sezvo rwodzi rwakasungwa kakatu harudambuke nhando.

Tinorumbidza zvikuru mauto emuchadenga eAir Force of Zimbabwe nebasa guru raari kuita rekusimudzira dzidzo kumaruwa, kunyanya kumatunhu anenge akasaririra panyaya dzebudiriro.

AFZ, kuburikidza nehomwe yeAFZ Commander Charity Fund, yakavandudza chikoro cheMurongwe Primary School, kuMt Darwin, nenzira inoyemurika zvikuru. Chikoro ichi chakatanga chakavakwa nemapango pamwe nemadhaga apo vana vaidzidza vakagara muvhu.

Asi kuburikidza nebasa rakaitwa neAFZ, nhasi chave nedzimba dzekudzidzira pamwe nedzevarairidzi dzezvidhinha.

Pamusoro pezvo, pachikoro apa pave nemagetsi nemakombiyuta izvo zvave kuita kuti vana vepo vakwanise kuita zvidzidzo zvemakombiyuta kufanana nevamwe vavo vanodzidza kuzvikoro zviri kumaguta.

AFZ iri kutungamira zvakare muzvirongwa zvekuti vadzidzisi vepachikoro apa vave nyanzvi mukudzidzisa vana kuburikidza nemakombiyuta. Kusatenda huroyi, basa rakabatwa nemauto emuchadenga iri rinoda kutendwa. Nhasi uno hapana musiyano uripo pakati peMurongwe nezvimwe zvikoro zviri mumadhorobha nemaguta nekuda kwekuzvipira kweAFZ kusimudzira dzidzo kumaruwa.

Vana vekumaruwa havana kusiyana nevekumadhorobha nekudaro vose vanofanira kuwaniswa mikana yakaenzana panyaya dzedzidzo.

Semaonero edu, zvakakosha kuti mamwe makambani pamwe nemapoka akasiyana ayemurewo nekutevedzera zviri kuitwa neveAFZ.

Kana munyika mukave nemapoka akadai ane chitsama, Zimbabwe icharamba iri pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica munyaya dzefundo. Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti ongororo yakaitwa gore rapera inoratidza kuti nyika yose inoda zvimwe zvikoro zvitsva zvinosvika 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.

Sekutaura kwemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, mune imwe nyaya yatinayo svondo rino, Hurumende yoga haikwanise kuvaka zvikoro zviri kudiwa izvi sezvo zvichida mushandirapamwe. Prof Mavima vanoti parizvino kune vamwe vana vachiri kufamba nzendo refu dzinosvika makiromita 24 pazuva pakuenda nekudzoka kuchikoro izvo zvinogona kukanganisa budiriro yavo mudzidzo. Nekudaro zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe mukusimudzira fundo munyika.

 

Share This:

Sponsored Links