MAONERO EDU: Bhadhara mari mwana afunde

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
MAONERO EDU: Bhadhara mari mwana afunde VaDokora

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya mbiri dzine chekuita nekusimudzira dzidzo muZimbabwe. Yekutanga ndeyaMambo Chihota, avo vari kutora matanho ekuona kuti vabereki vemudunhu ravo vabhadhara mari dzechikoro dzevana vavo nenguva uye ndokudzika mutemo unoti vana vose vemaChihota vanofanirwa kuenda kuchikoro.

Sekutaura kwamambo ava, vakuru vezvimwe zvikoro zviri mudunhu ravo vakakumbira kudare ravo kuti rivabatsire kuti vabereki vasiri kubvisa mari dzechikoro vabhadhare zvikwereti izvi.

Danho rakatorwa nevakuru vezvikoro iri harina kuipa zvachose nekuti ukaona zvakadai zvoitwa zvinenge zvoreva kuti kuita hurukuro nevabereki vanenge vaine zvikwereti kuchikoro kunenge kwashaya basa. Saka pakadai apa panenge podiwa muyananisi akaita sedare ramambo.

Kunyangwe gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, nguva yakadarika vakati vakuru vezvikoro vane mvumo yekukwira kumatare edzimhosva vachimhan’arira vabereki vasingabhadhare mari dzevana dzechikoro.

Semaonero edu, hazvina kunaka uye hazvipe hunhu kuti mubereki asvike pakudhonzerwa kudare nenyaya yekuti ari kuramba kubhadharira mwana wake mari yekuti adzidze.

Kana iye mwana wacho zvakare anofungei kana mubereki wake ave kutoendeswa kumatare kuti aburitse chikwama kumubhadhara mari yechikoro? Handiti anogona kufunga kuti mubereki uyu haana hanya naye?

Kazhinji zvinenge zvichida kuti mubereki otaurirana nemukuru wechikoro mabvisiro aangaite mari dzechikoro dzemwana wake asi kune vamwe vasina kana hanya nazvo izvo zvinozoita kuti nyaya dzakadai dzisvike kumatare edzimhosva sekwamambo.

Danho riri kutorwa naMambo Chihota rinorumbidzwa zvikuru uye kana vamwe vatungamiriri vematunhu vakatevera gwara iri, zvinoita kuti dzidzo yeZimbabwe irambe ichisimukira.

Nyaya yechipiri iri pamusoro pebasa guru zvakare riri kuitwa nenhengo inomirira Mt Pleasant mudare reNational Assembly, Cde Jaison Passade, avo vane chirongwa chekudzidzisa madzimai pamwe nevechidiki vanoshaya mudunhu ravo.

Cde Passade vanoti chishuwo chavo ndechekuti madzimai aya pamwe nevechidiki vadzidze masvomho nechiRungu izvo zvinozovabatsira mukuita makosi pamwe nekutsvaga mabasa.

Rubatsiro rwakadai rwunofanirwa kutendwa nekuti kupa munhu dzidzo kumupa nhaka yeupenyu.

Chishuwo chedu zvakare chekuti kudai vamwe vatungamiriri vematunhu vateverawo mucherechedzo uyu.

Cde Passade vanoti kunze kwekudzidzisa mapoka maviri aya, vari kuita kuti vamwe vafundire kutyaira motokari pachena.

Aiwa, chakanaka chakanaka mukaka haurungwe, tinokurudzira madzimai pamwe nevechidiki ava nekuti vabatisise mukana uyu uye kuti vaushandise nemazvo.

Share This:

Sponsored Links