Maonero Edu: Budiriro yedzidzo ngaisimbaradzwe

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Maonero Edu: Budiriro yedzidzo  ngaisimbaradzwe

Kwayedza

ZIMBABWE inyika yagara iine mukurumbira munyaya yedzidzo muAfrica yose sezvo iriyo iri pamusoro pakugona kuverenga pamwe nekunyora. Vanhu venyika ino “vakadya maB”.

Budiriro iyi inofanira kuramba ichisimbaradzwa.

Svondo rino tine imwe nyaya iri pamusoro pefundo munyika dzepasi rose, apo zvinonzi vana vanosvika 57 miriyoni pari zvino havasi kuwana mukana wekuita dzidzo yepuraimari nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Izvi zvakaburitswa negwaronhau rinonzi Education for All Global Monitoring Report 2013/14 iro rinoti pane vana vakawanda vasiri kuwana dzidzo yepuraimari zvisinei nekuti kwasara nguva pfupi yekuti zvinangwa zvekuwanisa mwana wose dzidzo, zveEducation for All Goals zvegore ra2015, zvazadziswe.

Zvikonzero zviri kuita kuti vamwe vana vatadze kuenda kuchikoro zvinosanganisira hurombo apo vabereki vanenge vasina mari kana kuti vana ava inherera. Izvi zvinoreva kuti kana muri muZimbabwe chirongwa chekubatsira vana vanoshaya pamwe nenherera, cheBasic Education Assistance Module (Beam), chinofanirwa kutsigirwa zvakasimba nekuti chiri kupedza dambudziko riri kune dzimwe nyika rekushaya mari yedzidzo.

Ikodzero yemwana wose kuti awane dzidzo pasina rusarura.

Asika, harisi basa reHurumende yoga kuti isimudzire dzidzo munyika, zvinoda mushandirapamwe.

Muonera pamwe uyu ndiwo nhasi uno waita kuti mbiri yeZimbabwe pafundo itekeshere nepasi rose.

Zvakadaro, gwaro nhau reEducation for All Global Monitoring Report rinoti zvimwe zvikonzero zviri kuita kuti vana vasawane mukana wekuenda kuchikoro inyaya yekuti munyika mavari munenge musina kugadzikana nekuda kwezvakaita sehondo nezvimwe. Izvi zvoreva kuti zvakakosha kuti munyika muve nerunyararo kuti pagova nebudiriro, kwete kuchikamu chedzidzo chete, asi kuti mune zvose. Kune vamwe zvakare vachiri kutarisira vanasikana pasi vachida kufundisa vanakomana vachikanganwa kuti vakuru vanoti chenga ose manhanga hapana risina mhodzi. Hapana chinotadzisa mwanasikana kubudirira kana apihwa mukana wakaenzana newemwanakomana.

Zvakakoshawo kuti vabereki vasakanganise kudzidza zvakanaka kwevana. Seimwe yenyaya yatinayo svondo rino, inonzi yakaitika kwaShe Saunyama, kuNyanga, vabereki havafanirwe kukonzera nyonga-nyonga pachikoro.

Munyaya iyi zvinonzi kune imwe mhuri yakaenda pane chimwe chikoro ndokunorikita mukuru wechikoro pamwe nevarairidzi vachivapomerana kunonotsa mwanakomana wavo kudzokera kumba.

Mukuru wechikoro ichi anonzi akange ati vana ava, avo vaigadzirira kunyora bvunzo dzeO-Level, vanonoke kuenda kumba vachiita gadziriro dzavo. Zvakaitwa nemhuri iyi hazvikurudzirwe uye maitiro akadai ndiwo anodzosera budiriro yedzidzo kumashure. Anoita kuti Zimbabwe ionekwe seine vanhu vasina kudzidza naizvozvo ngavarangwe zvakasimba.

Share This:

Sponsored Links