MAONERO EDU: Cherechedzai tsika nemagariro emuZimbabwe

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
MAONERO EDU: Cherechedzai  tsika nemagariro  emuZimbabwe

Kwayedza

MUZIMBABWE mune tsika nemagariro izvo zvakagara zvichitevedzwa kubvira kare-kare. Izvi ndizvo zvinogona kunzi nemumwe mutauro ugo hwemadzinza, hunoumba munhu kuti ave nehunhu hunoyemurika.

Maitiro akadai aya haawanikwe munyika ino chete sezvo nyika imwe neimwe iine tsika nemagariro ayo anoitevedza uye izvi ndizvo zvinosiyanisa marudzi nemarudzi.

Mumagariro anoitwa nevanhu munharaunda kune zvimwe zvinhu zvinoyereswa izvo zvinogona kusiyana nzvimbo nenzvimbo.

Zviyereswa izvi zvakafanana nemazuva anonzi ndeechisi, ayo vanhu vasingafanire kuita mabasa emuminda. Mazuva aya anosiyana zvakare zvichienderana nematunhu acho sezvo vamwe vachiyeresa zuva remusi weChitatu sechisi asi vamwe vachiyeresa China kana Chishanu.

Vamwe vangati ko sei mazuva aya achisiyaniswa asi chakakosha ndechekutevedzera zvinodiwa dunhu rimwe nerimwe.

Seimwe yenyaya yatinayo svondo rino, yekwaShe Saunyama kuNyanga, uko kune nzvimbo dzine chitsama dzinonzi dzinoyera zvikuru. Kudunhu iri ndiko kune gomo reInyangani, gomo rakareba kudarika ose muZimbabwe, iro raita mbiri yekunzi vanhu vanokwiramo vakanganisa mhiko dzemo vanogona kutsakatika.

Muna Ndira gore rino, mumwe mushanyi wechirume, Zayd Dada (31), anonzi akatetereka mugomo iri mushure mekunge atyora mhiko dzaro. Gomo iri zvakare ndiro rinonzi rakatsakatikira mwanakomana nemwanasikana vevaimbove gurukota reHurumende, VaTichaendepi Masaya, makore ane chitsama adarika. Chinonetsa ndechekuti panotetereka vanhu mumakomo akadai kune vamwe vasingatende kuti vanogona kunge vaita chadzimira mushure mekukangisa mhiko dzenzvimbo dzakadai.

Kune vamwe vanopa dzimwe pfungwa dzekuti zvichida vanhu vanonzi vatetereka ava vanenge vadyiwa nemhuka dzesango kana kuenda kunzvimbo dzine mawere izvo zvinoisa upenyu hwavo panjodzi. Asi chokwadi chiripo ndechekuti kune dzimwe nzvimbo dzinoyera idzo dzinofanira kuremekedzwa nezvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevashanyi vanobva kunze kwenyika.

Kune vamwe vanoita nharo vachida kuzvionera pamhuno sefodya asi izvi hazvibatsiri nekuti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. Munhu hapanai chaunobva kana ukatevedzera zviyereswa zvematunhu akasiyana nekuti pane chikonzero chinoita kuti zvinhu zvinge zvakadaro. Ndihwoka ugo hwemadzinza zvichireva kuti itsika nemagariro edu emusiiranwa sevanhu vatema.

Nhasi uno dzimwe nzvimbo dzinoyera idzi dzakachengetedzwa sekumapako ekuChinhoyi Caves uko vashanyi vanoenda vachinoona zvinoita kuti nyika iwane chouviri. Kune vamwe vanogona kunge vaine mafungiro ekuti kare-kare ndiko kwaive nenzvimbo dzainzi dzaiyera kunova kuzvinyengedza chaiko nekuti dzichiriko nanhasi uno.

Ngatitevedzerei tsika nemagariro emuZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links