MAONERO EDU: Chikoro kudhura handiyo dzidzo

13 Mar, 2015 - 15:03 0 Views
MAONERO EDU: Chikoro kudhura handiyo dzidzo

Kwayedza

ZIMBABWE inozivikanwa zvikuru pasi rose munyaya yedzidzo izvo zvaona ichigara iri pamusoro penyika dzose dzemuAfrica pakuve nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.Budiriro iyi yavepo nekuda kwekuzvipira hweHurumende yakabatana nemamwe masangano akazvimirira mukusimudzira fundo munyika. Vabereki vane chekuitawo nebudiriro iyi. Chishuwo chevabereki vakawanda ndechekuti vana vavo vawane dzidzo inozovapa pundutso mune ramangwana.

Nekudaro vabereki vanoita zvose zvavanokwanisa, izvo zvinosanganisira kuti vana vavo vadzidze pazvikoro zvakanaka.

Kune zvimwe zvezvikoro izvi kunobviswa makutukutu emari patemu. Asi kana tikazotarisa zvakabuda pabvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzaGrade 7, O- neA-Level dzegore rapera, tinoona kuti hazvirevi kuti kana pachikoro pachibhadharwa mari yakawanda vana vanodzidzapo vanozobudawo zvakanaka pabvunzo.

Zvimwe zvikoro zvinongodhura asi zvichibura madofo. Hameno kuti mari dzacho dzakawanda dzinoitiswei!

Tinodaro nekuti svondo rino tine nyaya iri pamusoro pezvimwe zvezvikoro zvemuHarare zvepuraimari nesekondari, izvo zvaive pakati pe100 zvepamusoro zvine vana vakanyanya kupasa bvunzo dzegore rapera.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti kune zvimwe zvikoro zvinobhadharisa mari shoma asi vana vanoburwapo vachipasa kudarika vekune zvikoro zvinobhadharisa mari yakawandisa.

Saka zvakakosha kuti kana mubereki achitsvaga nzvimbo yemwana wechikoro adzamise pfungwa dzake pamwe nekuita ongororo yakasimba. Ngaatsvage kuti pachikoro ichocho panopaswa here kwete kuda kungoti azivikanwe kuti ari kubhadhara makutukutu emari asi chazobuda hapana, ma‘‘U” bedzi. Kune vamwe vane pfungwa yekuti kana pachikoro pachibviswa mari yakawanda zvinoreva kuti panenge paine dzidzo yemandorokwati asi izvi handizvo.

Kune zvimwe zvikoro zvinotarisirwa pasi zvakaita seMufakose 1 High, muguta reHarare, kana Zengeza 1 High iri kuChitungwiza, izvo gore negore zvinenge zviine vana vakabudirira asi zvichibhadharisa mari shoma. Zviya zvinodhura ndizvo zvinenge zvakaruma kumuswe!

Kune vamwe vabereki, kunyanya vagere kumarukisheni, vasingade kuti vana vavo vadzidze muzvikoro zviri munzvimbo dzavagere nekuda kwepfungwa yekuti dzidzo yemuzvikoro izvi inenge yakaderera.

Zvinosimudzirwa nani iwe uchinosimudzira chikoro chekune vamwe? Iwe unogara kuMbare asi woendesa mwana kuchikoro chiri kuBorrowdale, uchibhadhara mazimari ikoko, fume wotarisira kuti Harare High inofanirwa kusimukira? Hakuna mashura akadaro!

Mari handiko kudzidza. Hamusati mazviona here kuti mwana ane chikwereti pachikoro, uya asingabhadharirwe mari zvachose, pamwe ndiye anenge ari shasha. Chinoshamisa ndechekuti unozoona zvikoro zvinotarisirwa pasi zviri izvo zvinobura shasha zviya zvemazimari zvova nemadofo.

Ongororo yakaitwa neZimsec pamusoro pezvakabuda mubvunzo dzegore rapera inoratidza kuti vadzidzi vemuzvikoro zveHurumende vakapasa kudarika vemuzvikoro zvakazvimirira.

Kazhinji zvikoro zvakazvimirira izvi zvinobhadharisa mari yakawanda kudarika zveHurumende. Naizvozvo, tinogamuchirawo nemawoko maviri zviri kuitwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, zvekushanyira zvikoro vasina kuzivisa nezverwendo rwavo kuvakuru vezvikoro izvi nedonzvo rekuti vazvionere mafambisirwo ebasa.

Tinodaro nekuti kana vakuru vezvikoro izvi vakaziviswa kuti gurukota iri richazenge richivashanyira, vanofanogadzurudza panenge pasina kumira zvakanaka izvo zvisingape mucherechedzo chaiwo wezvinenge zvichiitika.

 

Share This:

Sponsored Links