MAONERO EDU: Chisveru chava kwauri murimi

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MVURA yakatanga kunaya kunzvimbo zhinji dzenyika svondo rapera pamberi. Izvi zvinoreva kuti varimi vanofanirwa kunge vari mushishi kurima zvose nekudyara.

Ino haizi nguva yekuita gadziriro sezvo murimi akangwara anofanira kugadzirira nguva ichiripo.

Nekudaro, zvekushandisa zvakaita sembeu, mafetereza nemishonga yekufiritisa zvinofanira kunge zvatovepo, kwete kutanga kumhanya-mhanya.

Sekutaura kwevebazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Service Department, muZimbabwe mwaka uno mvura iri kutarisirwa kunaya zvakanaka. Izvi zvinoreva kuti hapana chikonzero chingaita kuti varimi vasagadzikane nekuti mvura inonzi ichange ichinaya zvakanaka kusvikira pakupera kwemwaka uno.

Zvakakosha kuti varimi vashande nesimba nekuti kurima ndihwo hwaro hwebudiriro yeupfumi hweZimbabwe.

Makore adarika, Zimbabwe yaizivikanwa nekuve hurudza mudunhu reSouthern Africa uye ndiyo yaitotengesera dzimwe nyika zvekudya.

Asi nhasi uno Zimbabwe ndiyo yave kutsvaga zvekudya kunze kwenyika. Hatingarambe tichitenga chibage kana gorosi kune dzimwe nyika isu minda tinayo. Ichi ndicho chikonzero chikuru chaita kuti Hurumende itange chirongwa chekubatsira varimi nezvekushandisa, cheCommand Agriculture, nedonzvo rekuti munyika muve nemaguta.

Pasi pechirongwa ichi, Hurumende yakaisa padivi homwe yemari inosvika $500 miriyoni iyo iri kushandiswa mukutenga zvakaita sembeu, fetereza, mishonga pamwe nezvekushandisa pakurima zvakaita sematirakita.

Chinangwa chacho chimwe chete: Kuti nyika ive nemaguta.

Matani anosvika 2 miriyoni anotarisirwa kunge achikohwewa pamahekita 400 000, apo 200 000 acho anenge ari emadiridziro pasi pechirongwa ichi.

Chirongwa cheCommand Agriculture chiri kufambirana pamwe chete nechePresidential Input Scheme, icho chinotarisirwa kubatsira varimi vadiki vanokwana 300 000.

Semaonero edu, hapanai chikonzero chingaita kuti Zimbabwe itadze kuwana goho guru mwaka uno.

Tinodaro nekuti kana varimi vari kuwaniswa zvekushandisa uye mvura ichinzi ichanaya zvakanaka chii chinotadzisa kuti nyika ive nemaguta?

Chave kudiwa kushanda nesimba pamwe nekuzvipira kwevarimi mubasa ravo vachiisa zvido zvenyika pamberi kwete kuita humbimbindoga.

Vaya vane tsika yekukanga kana kutengesa mbeu yamunenge mapihwa hamukodzere kuva muzvirongwa izvi.

Varimi vari kuwaniswa zvakaita sefetereza nembeu vanofanirwa kuzvishandisa nemazvo kwete kuita hunhubu hwekupedzisira vave kuzvitengesa.

Maitiro akadai anodzorera budiriro yeZimbabwe kumashure uye vose vanobatwa vachitengesa zvekushandisa mukurima zvavanenge vapihwa neHurumende vanofanira kurangwa zvakaomarara.

Sekutaura kwakaita mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice President Emmerson Mnangagwa nguva pfupi yadarika, Hurumende ine nzira dzainoshandisa kuti izive kana varimi vari kupihwa fetereza nembeu vari kuzvishandisa nenazvo. Semaonero edu, Hurumende yaita payo saka chisveru chasarira kuvarimi kuti vashande nesimba uye vakatendeka kuitira kuti Zimbabwe igove hurudza zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey