MAONERO EDU: Dadai nezvauri, semwana weZim

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
MAONERO EDU: Dadai nezvauri, semwana weZim

Kwayedza

TINOGAMUCHIRA nemawoko maviri mashoko ane hudzamu emutungamiriri wenyika, President Mugabe, ekuti zvakakosha kuti munyika muve nenyanzvi dzinodzidzisa mitauro yerurimi rwaamai muzvikoro sezvo ichiita kuti pave nehumwepo uye nekuti munhu anzwe manyukunyuku ekuti chizvarwa cheZimbabwe.

President Mugabe vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare apo vaiparura chirongwa chakananga kusimudzira mashandiro evarairidzi, cheCapacity Development Programme for Teachers.

“Zvakakosha kuti tive nevarairidzi vanove nyanzvi mukudzidzisa mitauro. Bumbiro redu remutemo rinocherechedza mitauro 16 izvo zvakasiyana nenguva yatakange tisati tawana kuzvitonga kuzere apo mitauro yedu yerurimi rwaamai yakange isingakosheswe muzvidzidzo zvekuchikoro,” vakadaro President.

Mashoko aPresident Mugabe aya akakosha zvikuru nekuti kune vamwe vanhu vave kutarisira mitauro yerurimi rwaamai pasi vachitungamidza mberi mimwe mitauro yakaita sechiRungu.

Sekutaura kwemutungamiriri wenyika, kushandiswa kwemitauro yerurimi rwaamai kunoita kuti pave nehumwepo pakati pezvizvarwa zveZimbabwe uye kuti zvidade nenyika yazvo. Izvi zvinoratidzwa kubudikidza nemitambo pamwe netsika nemagariro evanhu munharaunda. Zvakakosha zvakare kurovedzera vana mumutauro werurimi rwaamai kuti vagokura vaine gwara rakanaka, zvisinei kuti kune vamwe vanhu vanoda kutungamidza chiRungu vachifunga kuti ndiko kuti vagonzi vakafunda. Hauna kudzidza kana usingatungamidze chekwako — rurimi rwaamai pamberi.

Kushandisa mutauro wakaita sechiRungu hakuna kuipa, asi haufaniri kuzosusukidzwa mberi. Kune vamwe vana, kusanganisira vanhu vakuru, nhasi uno vasingagone kutaura mutsara mumwe chete werurimi rwaamai wakatwasuka sezvo vachisanganisa netuchiRungu twekukwereta. Sekutaura kwaPresident Mugabe, tinofanira kudada nezvatiri uye nerurimi rwaamai nekuti ndirwo rwunotipa rutsigo pamwe nehunhu. Kana tikasadada sezvizvarwa zveZimbabwe tichisimudzira mitauro yedu hapana kwatinosvika uye zvakafanana nekudzinganisana nemhepo.

Mapazi edzidzo yepuraimari nesekondari pamwe chete neredzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina ane basa guru rekuona kuti mitauro yerurimi rwaamai yasimudzirwa.

Kare, kune vamwe vaitarisira pasi mudzidzisi kana akanzi anofundisa Shona kana Ndebele, vachitarisira mudzidzisi wechiRungu pamusoro. Asi tinotenda kuti pfungwa iyi iri kuenda ichipera.

Vana vakawanda muzvikoro ndevechitema, nekudaro vanofanira kuziva rurimi rwaamai. Inga wani vakuru vanoti ziva kwawakabva mudzimu weshiri uri mudendere!

President Mugabe vakataura zvakare nenyaya yekuvandudza zvivakwa zvezvikoro zviri kune mamwe matunhu.

Vakati mamwe makamuri emunodzidzira vana pamwe nedzimba dzevarairidzi zvinoda kuvandudzwa kuti pasawane chinokanganisa dzidzo.

Izvi zvakakosha nekuti vana vanofanira kudzidza munharaunda inenge yakakodzera, isina zvipingaidzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>