Maonero Edu – Extra-lessons: Ngaasave ekutsvaga nawo mari

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

zimpBAZI redzidzo yepuraimari nesekondari svondo rapera rakazivisa kuti rave kubvumidza kuti zvidzidzo zvevana vechikoro zvepazororo, zvema “extra-lessons”, zvichiitwa zvakare zvichitevera kumiswa kwazvakange zvamboitwa.Zvidzidzo izvi zvakambomiswa nekuda kwekuti zvimwe zvikoro nevamwe vadzidzisi vange vave kurozva vabereki mari dzavo kuburikidza nechikiribidi apo vana vaibhadhariswa mari yakawanda.

Vamwe varairidzi vanonzi vange vasisadzidzise vana zvakanaka panguva yechikoro yakatarwa vachiitira kuti vana vanenge vasarira mumashure ava vozovadzidzisa pazororo, kwete pachena asi vachivabhadharisa mari.

Chikiribidika ichi!

Munyori mukuru kubazi redzidzo iri, Mai Constance Chigwamba, svondo rapera vakazivisa kuti zvidzidzo izvi zvave kubvumidzwa kuitwa nevana vari kunyora bvunzo dzekupera kwegore, dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) pamwe nevamwe vanenge vakasaririra mufundo yavo nekuda kwezvikonzero zvakatsaukana. Vanoti zvikoro zvinenge zvichida kuti vana vaite zvidzidzo izvi panguva yezororo zvinofanirwa kunyorera kubazi ravo kuti zvitange zvapihwa mvumo.

Mai Chigwamba vanoti zvidzidzo zvepazororo izvi hazvifanire kudarika mazuva 12. Vana vechikoro pamwe nevadzidzisi vakagashira nemufaro danho rakatorwa neHurumende iri, rekuti zvidzidzo zvemaextra-lessons zvichiitwa zvakare.

Zvakakosha kuti vakuru vezvikoro nevadzidzisi vasakanganwe chezuro nehope. Tinodaro nekuti bazi iri rakange rambomisa kuitwa kwezvidzidzo izvi sezvo kune zvimwe zvikoro zvidzidzo izvi zvange zvave kungoitwa pamadiro senzira yekutsvaga nayo mari.

Panguva iyi, vamwe vabereki vaichema-chemawo zvikuru vachiti mari yavaibvisiswa kuti vana vaite zvidzidzo zvepazororo izvi yakange yakawandisa uye vana vakange vasisina nguva yekuzorora.

Nerimwe divi, masangano anomirira varairidzi akange achinyunyutawo apo pakambomiswa zvidzidzo izvi achiti danho iri rinodzikisira chido chevadzidzisi, avo vasingatambire mari inovakwanirana.

Asika, zvichitevera danho rakatorwa neHurumende iri, zvidzidzo izvi zvinofanira kuitwa nemazvo. Tinodaro nekuti nguva yadarika kune vamwe vadzidzisi vakange vave nekatsika kekuti havadi kudzidzisa vana zvakakwana vachiti vanozozadzikisa nemaextra-lessons.

Izvi zvaiita kuti mwana anenge aine mubereki asingakwanise kubvisa mari yekuti adzidze panguva yezororo aibva asarira kumashure muzvidzidzo zvake.

Ichi ndicho chimwe chechikonzero chakazoita kuti zvidzidzo izvi zvimbomiswa nekuti vamwe vadzidzisi vakange vasisaite basa ravo zvakanaka. Hongu, vadzidzisi vanofanirwa kuwanawo mari yekuti vabatsirikane kana vakafundisa vana pazororo asi chinangwa ngachive chekuti vana vawane dzidzo inovapa pundutso kwete kutsvaga mari.

Budiriro iri muchikamu chedzidzo munyika muno, iyo yaona Zimbabwe ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yekugona kuverenga nekunyora, inofanira kuramba ichisimbaradzwa.

Maextra-lessons anofanirwa kubatsira vana, kwete kushandiswa senzira yekutsvaga mari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey