MAONERO EDU: Humambo hunoda ruzivo rwemutemo

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
MAONERO EDU: Humambo hunoda  ruzivo rwemutemo MADZISHE ari kutungamidzwa mumabasa ebudiriro kubva zvakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Kwayedza

MADZISHE nemadzimambo agara achiita basa guru kumatunhu akasiyana kubva pasichigare. Basa ravo rinosanganisira kuchengetedza tsika nemagariro evanhu vatema uye mitemo yemuZimbabwe.

Nekumwe kutaura, vatungamiriri vematunhu ava vanonzi ndivo vene kana kuti mwongo wetsika nemagariro echivanhu.

Nekuda kwezvigaro zvavo pamwe chete nebasa rakakosha ravanoita, vanoremekedzwa pamwe nekutererwa zvikuru nyika yose.

Madzishe namadzimambo vane basa zvakare rekutonga nyaya dzinenge dzichinetsa munzvimbo dzavo dzakaita semakunakuna kana kutorerana madzimai kana varume nemamwe makakatanwa.

Kuyananiswa kwevanhu uku kwakakosha nekuti kunoita kuti veruzhinji vagare murunyararo, zvine rukudzo uye zvakare sezvinotarisirwa netsika nemagariro edu.

Izvi zvinorevawo kuti vanofanira kuita basa ravo pasina kutya kana tsvete nekuti chigaro chehumambo chinosimbiswa nehutongi hwakarurama.

Naizvozvo, mukutonga kwavanoita nyaya dzakasiyana zviri pachena kuti madzimambo nemadzishe chikamu chakakosha zvikuru chematare emunyika, ayo anosanganisira eCivil Court, Magistrates Courts neHigh Court.

Mitongo yavanopa inocherechedzwa pamwe nekuremekedzwa nematare epamusoro.

Nekuda kwebasa ravo iri, zvinoreva kuti madzishe anofanira kunge achiziva zvinotarisirwa nemutemo apo vanenge vachitonga nyaya dzakasiyana.

Tinogamuchira nemawoko maviri sungawirirano yakaitwa svondo rapera pakati peGreat Zimbabwe University nesangano rinomirira madzishe munyika, reZimbabwe Chief’s Council, yekuti yunivhesiti iyi ichange ichidzidzisa pachena madzishe nemadzimambo anosvika 272 zvidzidzo zvakananga kuvandudza ruzivo rwavo maringe nezvekushandiswa kwemutemo.

Chirongwa ichi chinotarisirwa kutanga gore rinouya apo madzishe vanenge vachiita zvidzidzo zvemitemo izvi kwegore rose vozopihwa magwaro.

Zvidzidzo zvichaitwa zvinosanganisira zvinoti Introduction to Law, Ethics pamwe neCourt Procedures izvo zvinotarisirwa kurodza ruzivo rwemadzishe zvikuru mukutonga kwavo mhosva.

Zvidzidzo izvi zvauya panguva yakafanira sezvo kuine mamwe madzishe nemadzimambo anonzi ari kupa mitongo isingakodzere kumatare avo nekuda kwekusaziva mashandisirwo anofanirwa kuitwa mutemo.

Kune vamwe zvakare vanonzi vari kutonga nyaya dzinofanira kuendeswa kumatare ari pamusoro dzakaidai sekubatwa chibharo.

Semaonero edu, kudzidziswa kwemadzishe zvakadzama nyaya dzemutemo idanho rakakosha munhorowondo yezvemitemo muZimbabwe.

Chishuwo chedu ndechekuti chirongwa ichi chibudirire.

Kunze kweruzivo rwakadzama maringe nemutemo, madzishe anoda zvakare zvekushandisa zvakakwana mumatare avo.

Madzimambo vave nenguva yakareba achichema-chema nekuda kwekushomeka kana kuti kushaikwa zvachose kwezvekushandisa kumatare avo zvakaita semabhuku ekunyorera mitongo yavo izvo zvinotadzisa kufamba zvakanaka kwebasa ravo.

Basa ravanoita rinofanira kupihwa chiremerera chakakodzera nekudaro ngavatsigirwe zvizere.

Share This:

Sponsored Links