MAONERO EDU: Hunhu hwedu huri kuendepi?

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Hunhu hwedu  huri kuendepi?

Kwayedza

MAZUVA ano vanhu vazhinji vari kuchema-chema nekuraswa kuri kuitwa tsika nemagariro zvinotarisirwa kunge zvichiitwa nevanhu munharaunda dzavagere.

Kurasa hunhu uku kwasvika pachidanho chekuti vamwe vave kuzvishairwa shumo yazvo.

Kuti uti chiRungu chakati kuuya ichi kana kuti kupindana kwemazuva?

Chiri kunetsa ndechekuti kurasa hunhu uku kuri kuitwa nevamwe vanhu vechikuru avo vanofanira kunge vachipa mucherechedzo wakanaka kune vechidiki. Kune zvimwe zviri kuitika mukurarama zvekuti ukazvinzwa unombofunga kuti idambe kana kuti manyepo.

Mukurarama kwevatema, vanhu vanofanira kugara vachiremekedzana, kunyanya pahukama hunosanganisira vanenge vakaroorerana.

Asi izvi handizvo zviri kuitika nekuti vamwe vave kurerutsa tsika nemagariro anotarisirwa aya.

Hazvishamise nhasi uno kuona mukuwasha achiendesa tezvara kudare kana kuti vamwene vachizvuvirwa kumatare edzimhosva nemuroora mushure mekunge vatadza kuremekedzana mukugara. Vamwe ndivo vanorerutsa tsika dzedu zvekusvika kana pakutopisa rudo.

Senyaya mbiri dzatinadzo svondo rino apo yekutanga iri yemukuwasha akaendesa ambuya natezvara vake kudare redzimhosva achiti vari kumushungurudza. Mukuwasha uyu anoti anoda gwaro redziviro nekuti tezvara naambuya vake havadi kuti agare nemwanasikana wavo vachimupomera kuti murombo.

Asi ambuya vake nerimwe divi vari kumupomera kuti akaenda kumba kwavo akanobvisa marata emba zvakaita kuti vatame vaona kuti magariro acho nemukuwasha wavo uyo anova muvakidzani akange ari ebongozozo.

Nyaya yechipiri ndeya vamwene vakamhan’arirawo muroora wavo kumatare edzimhosva vachida gwaro redziviriro pamwe nekuti abve pamusha pavo vachiti akaisira mwana wavo chepfu muchikafu.

Tikanyatsoongorora nyaya mbiri idzi, tinona kuti tsika nehunhu hwedu zvarasika zvachose nekuti mukuwasha haangaendese tezvara naambuya kudare asi achinyatsoziva kuti agere nemwana wavo kumba kwake.

Zvinoreva kuti mhuri mbiri idzi hadzichazofambidzana here?

Kunyangwe ivo vamwene kuendesa muroora kudare, vanozogarisana sei pamusha? Chokwadi chiripo ndechekuti mararamiro acho anenge ave ekuhwandirana, agonzo nakiti chaiwo.

Hongu, ikodzero yemunhu wose kuti ange achienda kumatare edzimhosva kana achiona seari kukanganisirwa kodzero dzake.

Asi zvimwe zviri kuitika ndezvekuti mushure mekuendesana kumatare uku, vamwe vanozozvidemba pavanozoona kuti vakazvisikira moto muziso.

Semuenzaniso, mukuwasha wekuendesa tezvara naambuya kudare uyu kumusha kwavo kukaitika rufu anoendako akasununguka here? Ko iye mudzimai wake akazorwara anoudza madzitezvara amire pai?

Pachivanhu tine nzira dzekugadzirisa nadzo zvinenge zvichinetsa pakati pevanyarikani sekutsvaga rubatsiro kubva kunana sekuru, ambuya nanatete.

Uye kana ava vasipo, munhu anogona kuenda kunoyananiswa kwakaita sekumakereke.

Zvakakosha kuti tichengetedze hunhu hwedu kwete kufugura hapwa pose-pose izvo zvinozoita kuti tidembe mune remangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey