MAONERO EDU: Kondomu kumwana: Itsika dzipi idzodzo?

05 Feb, 2015 - 14:02 0 Views

Kwayedza

MAZUVA ano pane nyaya iri kutsviriridza zvikuru iyo iri pamusoro pekuti vana vechikoro vopihwa makondomu here kana kuti kwete.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakaitwa nemamwe masango anoona nezveutano kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, chekuti vange achibvumidzwa “kudira” makondomu kuvana muzvikoro.

Masangano aya anoti anoda kupa vana vechikoro makondomu nekuda kwekuti kune vamwe vari kupinda munyaya dzepabonde vachizobata mimba dzisina kurongwa pamwe chete nezvirwere. Sekutaurwa kwazvo, danho iri rakananga kudzivirira matambudziko aya.

Asi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vari kutsika madziro panyaya iyi vachiti hazviite kuti vana vechikoro vapihwe makondomu.

Ichi chiri chokwadiwo! Dr Dokora vanoshora zvikuru pfungwa yekuti muzvikoro muiswe makondomu sezvo izvi zvichipikisana netsika nemagariro emunyika muno. Vanoti nguva yadarika kune masangano akauya kwavari achikumbira kuti anoda kuisa makondomu muzvikoro asi ivo vakapokana nepfungwa iyi. “Ndakati kana vachida izvi vanofanira kunopa vabereki vevana makondomu iwayo kuitira kuti ivo vasarudze voga kuvaisira mumaranji bhokisi. Tinoda kuti vana vadzidziswe kukura vaine hunhu kwete kuti vafurirwe,” vanodaro Dr Dokora.

Apa tinowirirana naDr Dokora zvizere. Hazviite zvachose kuti vana vechikoro vapihwe makondomu. Ekudini nawo kuchikoro?

Kuchikoro inzvimbo yekudzidza kwete yekuita zvebonde.

Hongu, makondomu kana akashandiswa nemazvo inzira yakanaka yekudzivirira pamuviri pasina kurongwa pamwe nezvirwere zvepabonde. Asika hazviite kuti azopihwa kuvana vechikoro nekuti kutodaro kuvatuma kuita misikanzwa.

Chokwadi muzvikoro umu munopedzisira mave sodhoma negomora nekudaro tinopa rutsigiro rukuru kuDr Dokora nekuramba pfungwa yemasangano aya. Ngatizivei kuti masangano akazvimiririra aya ari pabasa uye anotsvaga nzira dzose, dzakanaka nedzakaipa, kuti aonekwe “nemadzimambo” awo kuti ari kushanda. Saka havanei nekuchengetedza tsika. Zvose zvakangonaka, chero zvichiita kuti ivo vadye vachiguta bedzi!

Vana vanoda dzidziso yakasimba maringe nenjodzi dzavanosangana nadzo kana vapinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera kwete kuti vapihwe makondomu.

Kutovapa makondomu kunenge kuri kuvapembedza kuti vaite mabasa ehunzenza chinova chisiricho chinangwa chavari kuendera kuchikoro. Hongu, variko vana nhubu vane misikanzwa vari kuita zvepabonde asi hachingave icho chikonzero chekuti muzvikoro zvose muiswe makondomu. Nekuti havasi vose vana vanoita tsika dzakashata idzi.

Ivo vana vacho vari kuita misikanzwa ngavazvitsvagire voga makondomu acho kana zvichibvira. Kwete kuita ekuyanika semufushwa muzvikoro. Hazviite, hazviite!

Vangani vabereki vangade kuti vana vavo pose pavanoendera kuchikoro vanenge vaine makondomu? Zimbabwe inyika inozivikanwa pasi rose nebudiriro munyaya yedzidzo asi budiriro iyi inogona kukanganiswa nezvimwe zvinongonyuka zvakaita sekupa pwere makondomu.

Kana kuine mubereki anoda kuti wake mwana ashandise makondomu kuchikoro ngaamupe iye oga. Makondomu ngaasasvika kana pedyo chaipo nechikoro. Vari kumabhawa mapedza navo here?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>