MAONERO EDU: Kuroodza vana: Sungisai vanhu

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Kuroodza vana: Sungisai vanhu VaKeuswell Muvengi

Kwayedza

VaKeuswell Muvengi

VaKeuswell Muvengi

SVONDO rino tine nyaya inoratidza kushaya hanya kwakadarikidza kana kuti kusakoshesa vanasikana kuri kuitwa nevamwe vabereki vekuChiredzi avo vanonzi vari kuroodza vana pwere vachipihwa zvekudya zvakaita sechibage, zviyo kana mapfunde.

Tinopererwa nemashoko anokwanisa kunyatsoshoropodza hunhu hwakadai asi gurukota rezvevashandi, Cde Prisca Mupfumira vanoyambira vanhu vari kuita izvi vachiti kuita uku imhosva uye vakabatwa ijeri.

Chokwadi mubereki angape mwana wake achiri nemukaka pamhuno kumurume kuti agopihwa saga rimwe chete rechibage?

Tikatarisa mutengo wechibage kunzvimbo dzakasiyana, kusanganisira iko kuChiredzi, tinoona kuti bhagidhi riri kutengwa nemari iri pasi pe$10. Zvino woendesera mwana izvozvo?

Izvi zvinoreva kuti vanasikana ava vari kuchinjaniswa nesaga rimwe chete rechibage vari kuroodzwa ne$30 sezvo rinenge riine mabhagidhi matatu?

Hakunai kumwe kubata vana huchapa kunodarika katsika kekuroodza vanasikana vasati vasvika makore ekuwanikwa.

Vabereki vakadai vanofanira kusungwa voendeswa kumatare edzimhosva nekuti hutsinye hwavo hwakakomba, uye hunonyadzisa.

Chinofanirwa kuzivikanwa nemubereki wose ndechekuti hazvinei kuti mwana wako, chiripo ndechekuti mwana iyeyo ane kodzero dzinofanira kucherechedzwa. Mwana anokosha uye mamwe madzimai ari kudyiswa zvinoera nemaporofita nen’anga mushure mekunge vatadza kubata pamuviri.

Asi ndipo mumwe hake anoita zvedambe nemwanasikana achimuchinjanisa nechibage, zviyo kana mombe?

Ah, kwete? Isu tinoti hazviite. Mapurisa batai vanhu!

Uku hatingati kumbunyikidza kodzero dzemwanasikana asi kuti zvakafanana nekumuuraya nekuti kana akaroodzwa zvinoreva kuti remangwana rake rinenge raenda mudondo.

Kazhinji wanano dzerudzi urwu dzizere nekumbunyikidzwa kwevanasikana ava nevarume vanenge vavatora nekuti vanenge vachiti vakavatenga nechibage kana mombe dzavakapa vabereki vavo avo vaida kuziya nenzara.

Vabereki vari kuita izvi ngavarege kunenera nzara nekuti Hurumende iri kugarotaura kuti hakuna munhu achaziya nekuda kwenzara. Vasina chikafu, kusanganisira vana muzvikoro, vachapihwa chikafu pachena.

Saka uhu hunongova hunzenza hwevamwe vabereki, kwete hurombo kana nzara. Hakuna zvekudya kana zvipfuyo zvingaenzane neupenyu hwemunhu nekudaro vose vari kuroodza vanasikana vachivachinjanisa nezvirimwa kana zvipfuyo vanofanira kurangwa nemutemo.

Vabereki vari kuita katsika aka inyope nekuti vanofanira kutsvaga mamwe mabhindauko ekuita kuti variritire mhuri dzavo kwete kutamba neupenyu hwevana vavo. Tinotsigira zvikuru kurudziro yegurukota Mupfumira, yekuti vose vari kuroodza vana vanofanira kukandwa mumajeri.

Ibasa remunhu wose kuona kuti kodzero dzemwana dzachengetedzwa.

Pasi pemutemo wenyika, vana vane makore ari pasi pe18 ekuberekwa havafanire kuroora kana kuroorwa.

Kunyangwe avo vanenge vasvitsa makore 18 okuberekwa, vane kodzero dzekuzvisarudzira vavanoda kuroorana navo kwete kuita zvekusarudzirwa sezvo uku kuri kuvambunyikidza.

Share This:

Sponsored Links