MAONERO EDU: Mbiri yakadai haina kunaka

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
MAONERO EDU: Mbiri yakadai  haina kunaka

Kwayedza

MADZIBABA NETSONOSVONDO rino tine nyaya mbiri dzinorovesa hana, idzo dzinoratidza kuti chokwadi pasi rapinduka. Nyaya yekutanga ndeye mumwe muporofita anoti ane masimba ekukonzeresa rufu rwemunhu kuburikidza nekushandisa tsono nemishonga.

Yechipiri ndeyemukadzi wekuBuhera uyo anonzi akawanikwa akafa, mutumbi wake wakapiswa.

Munyaya yekutanga, muporofita uyu anodura oga pasina kumanikidzwa, kuti anokwanisa kuti munhu afe kuburikidza nekumushandisira tsono. Sekutaura kwake, kana munhu akaenda kwaari achida rubatsiro rwekuti muvengi wake kana hama yake inenge ichimushandisira mishonga yakaipa ife, iye anozviita nyore.

Hongu, munhu wose anoda mbiri pasi pano asi semaonero edu mbiri yakadai iyi haina kunaka.

Munhu ungazvitutumadze uchiti une masimba ekuuraya vamwe vanhu? Inga Bhaibheri wani rinoti Mwari ndiye ane simba rekudzorera vanenge vatadzirwa. Zvino kana munhu akatadzirwa nemumwe akamudzorera zvoreva kuti ave kutorera Mwari basa rakeka!

Masimba akadai haana kunaka uye kana munhu ukakonzeresa rufu rwehama yako kuburikidza nekushandisa nzira dzakadai unogara uchizvidya moyo kweupenyu hwako hwose.

Chivi chinobata mwene wacho nekudaro kazhinji munhu ukacherera mumwe gomba ndiwe unowira mariri.

Zvinoshamisa kunzwa kuti munhu anozviti muporofita anoita mabasa akadai. Handivo here vakarehwa neBhaibheri kuti munofanira kungwarira mamwe mapere anenge akapfeka makushe ehwai?

Kana vanozviti maporofita vave kuita mabasa erima akadai aya vasiyana chii nevaroyi? Kune vamwe vanogona kutadza kuona kuipa kwakaita kudzosera munhu chitadzo chake vachiti naiyewo anenge akatadza. Asi mumararamiro nemagariro edu echivanhu hapana kwatinosvika kana tikave nepfungwa dzakadai.
Nyaya yemukadzi anonzi akapondwa mutumbi wake ukapiswa, izvo zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nekuchekeresa mabhizimisi, inovhundutsa zvikuru. Uhu hutsinye hwekupedzisira nekuti zvinoratidza kuti mukadzi uyu akafa rufu rwunorwadza.

Kuti bhizimusi ribudirire zvinoda kushanda nesimba pamwe nekurongeka kwete mashiripiti.

Kune dzimwe n’anga zvakare dzinokurudzira vanhu kushandisa mishonga yekuchekeresa iyi asi izvi hazvishande sezvo zvinongounza mhepo yakaipa mumusha pamwe nengozi.

Tikatarisa nyaya mbiri idzi tinoona kuti masangano anomirira n’anga nemaporofita ane basa guru rekudzidzisa nhengo dzawo mashandiro akanaka. Tinodaro nekuti hapana munhu ane njere dzakati kwesere angakurudzire kuti munhu auraye vamwe achishandisa tsono nemishonga kana kuti aiite zvekuchekeresa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey