MAONERO EDU: Mishonga ngairape kwete kukuvadza

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Mishonga ngairape kwete kukuvadza

Kwayedza

kwayedza
SVONDO rino tine dzimwe nyaya dzinorovesa hana pamwe nekush amisa, kuti chokwadi zvinhu zvakadai zviri kuitika here munyika yeZimbabwe. Nyaya yekutanga ndeye kuGokwe, uko kunonzi kune mwana ane mwedzi mishanu yekuberekwa akatakurwa neshiri ikabhururuka naye ikazomudonhedza yave mudenga.

Yechipiri ndeye kudunhu reMt Darwin, uko kune vamwe vanhu vanonzi vane tsika yekupinga madzimai avo zvekuti vakamhoresana nemunhurume anobva abatira runyoka kana kuti rukawo pakerepo.

Munyanya yekuGokwe, zvichida vamwe vanhu vangafunge kuti zvakaitika izvi zvakangofanana nemabhaisikopo avanoona, ayo anozivikanwa nekuti “mamovies”.

Asi kwete nekuti sekutaura kwevabereki vemwana uyu pamwe nevamwe vemunharaunda, mwana uyu anonzi zvechokwadi akatakurwa neshiri.
Chinonetsa panyaya iyi ndechekuti mwana uyu anonzi anogona kunge achirema kusvika pamakgs mashanu asi shiri yakamutakura iyi isingadarike kana kg rimwe chete pakurema.

Kana zvakadai zvikanzi haasi manenji zvino angazonzi mashura ndeapi? Kudunhu reGokwe zvakare, kunozivikanwa nekuitika mashiripiti pamwe nemasaramusi akasiyana.

Gore rapera, pane nyaya yakatsviriridza kwaShe Njelele kudunhu iri apo vanhukadzi vanokwana 26 vakafuma vasina kupfeka zvipfeko zvavo zvemukati.

Mbatya idzi dzakazowanikwa mune rimwe sango apo mumwe murume akadura kuti ndiye ane mishonga yaikonzeresa izvi.
Kudunhu rimwe chete iri, kunonzi kune imbwa huru yakatakurwa nezizi kubva pachaunga chevanhu uye yakabva yashaikwa zvachose.

Hongu, kune vamwe vasingatende kuti mishonga yakaipa iriko, asika nyaya dzakadai dzingapihwe tsanangudzo dzekuti kudini?
Ndekupi kwamakamboona shiri inotakura mwana kuenda naye mudenga? Kana kuti zizi rinotakura imbwa robhururuka nayo?

Zviri pachena kuti aya mabasa erima asina chaanounza munharaunda asi kukonzera kusagadzikana muruzhinji sezvo vanhu vanogara vakabatira hama mumawoko.

Zvakangofananawo nemishonga yerunyoka, handiyo inopedza dambudziko remukadzi kana murume anenge achiita gumbo mumba, gumbo panze.

Chakakosha muwanano kuve munhu akavimbika kwete kushandisirana mishonga.
Zvakanaka kuti vanhu vatsvage mishonga yekurapa zvirwere zvakasiyana kwete yekukuvadza vamwe. Tikatora nyaya yemwana anonzi akatakurwa neshiri uyu pamwe chete neyembwa inonzi yakatakurwa nezizi, hunyanzvi hwemishonga yakadai hukashandiswa mukutsvaga mishonga yekurapa, Zimbabwe inove pamberi chaizvo pedzimwe nyika munyaya dzekurapa zvirwere.

Zvakakosha zvakare kuziva kuti kazhinji mishonga yekuromba yakaipa iyi mangwana inodzokera muridzi wavo nekuti chivi chinodya mwene wacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>