MAONERO EDU: Muroora kugezesa tezvara: Hazviite!

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
MAONERO EDU: Muroora kugezesa  tezvara: Hazviite!

Kwayedza

MAZUVA ano kune dzimwe tsika dzinotarisirwa mumararamiro evanhu vatema dzisiri kutevedzwa nevakawanda vachiti pasi rapinduka.

Asi tsika idzi ndidzo dzinoumba hunhu uye ndedzemusiiranwa kubvira pasichigare.

Kune zvimwe zviri kuitika mumagariro evanhu zvekuti munhu akazvinzwa haangazvigashire kuti ichokwadi.

Muenzaniso ndewe nyaya yatakaburitsa mubepanhau rino svondo rapera, yevaroora vaviri vekuBulawayo avo vanonzi vari kuita majana ekugezesa tezvara vavo vanorwara pamwe nekuvapfekedza manapukeni.

Muroora kutobvisa tezvara hembe, ovagezesa nekuzovapfekedzazve!

Mudzimai watezvara ava akashaya.

Vanakomana vemurume uyu vanonzi vanogara vasipo sezvo vanenge vari kumabasa.

Nyaya iyi iri kukonzera mitauro yakawanda apo vamwe vari kutsigira varoora ava vachiti havangasiye tezvara vavo vaine tsvina kana pasina anovageza.

Asi vamwe vari kuti varoora ava vakasvinukisa nekuti zvavari kuita hazvitenderwi patsika nemagariro echivanhu.

Kune vamwewo vari kuti varoora ava vanofanira kuzoripwa nekuda kwebasa ravari kuita iri, rekushambidza tezvara vavo.

Zvisinei, pane dzimwe pfungwa dzekuti varoora ava vari kuzvisikira moto muziso nezvavari kuita izvi uye vanofanira kuzoripa tezvara nekuti vari kuvaonerera.

Hongu, ichokwadi kuti hazvina kunaka kuti tezvara ava vagare vaine tsvina sezvo vachinzi dzimwe nguva vanozviitira dope pavanenge vagere.

Asi muroora angabvise tezvara tsvina here pamwe nekuvapfekedza manapukeni? Tsika nemagariro echivanhu zvinoti kwete, zvakadai hazvitenderwe kunyangwe zuva rikanzi rave kubva nekumadokero richienda kumabvazuva.

Zvinoreva here kuti pashaya mumwe munhu wechirume anokwanisa kugezesa tezvara ava kunze kwevaroora ava?

Vanakomana vatezvara ava havana here imwe hama yechirume inokwanisa kubatsira padambudziko iri?

Ko kana pasina hama yechirume inokwanisa kubatsira, vatadza here kuisa misoro pamwe chete semhuri votsvaga munhu anogezesa pamwe nekupfekedza baba vavo manapukeni vachipota vachimubhadhara?

Kwete, zviri kuitwa nevaroora ava zvinopesana zvikuru netsika dzechivanhu zvisinei nezvikonzero zvavari kupa.

Muroora navatezvara vanyarikani, zvakafanana naambuya nemukuwasha. Kubvira kare-kare vanhu vakaita satezvara nemuroora pakukwazisana vaisamhoresana nemawoko asi kuuchirana chete, vari kure nekure.

Zvichireva kuti avo varoora vari kugezesa tezvara vavo vari kuita chisionekwi pasi pezuva. Kudai vachinzi vari kugezesa vamwene dzimwe nguva zvaigona kugamuchirika nekuti vose vanhukadzi, kwete tezvara.

Kunyangwe ivo vamwene chaivo vanonzi vanozogezeswa nemuroora kana zvaomesesa uye anofanira kuzoripwa.

Semaonero edu, zvisinei kuti vamwe vanoti pasi rapinduka, zvakakosha kutevedza chivanhu chinove ugo hwemadzinza.

Tsika inhaka yemusiiranwa nekudaro ngadzichengetedzwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>