MAONERO EDU: Musaise upenyu hwenyu panjodzi

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
MAONERO EDU: Musaise upenyu  hwenyu panjodzi Madzimai Molline Mudzingwa vachibviswa zino Madzibaba Elias Gomwe

Kwayedza

NYAYA yekuchengetedza utano yakakosha zvikuru kunyangwe zvazvo kuine vamwe vanhu vanoita zvedambe nayo. Asi pakupedzisira vanozochema kana vachinge vasangana nehurwere.

Veruzhinji vanogara vachipihwa yambiro pamusoro pekuchengetedza utano hwavo kubva kungave kubazi rezveutano nekurerwa kwevana kana kuti kumamwe mapoka nemasangano anoona nezveutano.

Asi zvisinei nedzidziso pamwe neyambiro inopihwa iyi, kune vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve vasingakoshese utano hwavo. Semuenzaniso, svondo rino tine imwe nyaya iri pamusoro pemuporofita wekuChitungwiza, uyo ari kuita basa rekudzura vanhu mazino achishandisa mawoko ake uye pasi dziviriro yekutapurirana hosha.

Muporofita uyu haana midziyo yekushandisa yakakodzera yekudzivirira kutapurirwa zvirwere kana kuti kutotapurira vamwe iye yakaita semagirovhosi.

Anoshandisa mawoko ake mukubvisa mazino aya uye kana apedza anongogeza mawoko acho chete, ayo anenge aine ropa, obva aenderera mberi nebasa rake rekubvisa mazino kuvamwe varwere.

Zviri pachena kuti muporofita uyu ari kuisa utano hwake pamwe chete nehwevanhu vaari kubvisa mazino panjodzi nekuti pane mukana mukuru wekuti zvirwere zvinge zvichitapuriranwa pakadai kuburikidza neropa rinenge richibuda kubva mumaronda emazino anenge adzurwa. Chinoshamisa ndechekuti muporofita uyu anoti “kuna Mwari hakuna zvakadaro” nekudaro hapana mukana wekuti pangave nekutapurirana kwezvirwere paanenge achibvisa mazino vanhu apa.

Kwete, mukana uripo mukuru chaiwo wekuti nemaitiro akadai vanhu vange vachitapukirwa nehurwere uye basa raMwari rinoda kuitwa zvine hungwaru.

Zviri kuitwa nemuporofita uyu hazvina kumbosiyana nekushandisa reza imwe chete pakucheka nyora vanhu vanosvika gumi izvo zvinovaisa panjodzi yekutapurirana zvirwere zvakaita seutachiona hweHIV. Tinodaro nekuti utachiona hunenge huri muropa rinobuda paanodzura vanhu mazino haubve nekugeza kwaanoita mawoko nemvura nekudaro muporofita uyu ngaarege kutamba neupenyu hwevanhu kudaro. Zvakakosha kuti vanoita zvechiporofita pamwe nehun’anga vadzidziswe nzira kwadzo dzekubata varwere vavanobatsira pasina dambudziko rekutapurirana zvirwere.

Tinotenda zvikuru basa riri kuitwa nesangano reNational AIDS Council rekudzidzisa n’anga nemaporofita mabatirwo anotarisirwa varwere vanenge vaine utachiona hweHIV.

NAC ichangobva kuita zvidzidzo zvakadai kwaMurehwa nguva pfupi yadarika uye zvakakosha kuti vamwe vakaita semuporofita wekudzura mazino uyu vaite zvidzidzo zvakadai.

Ivowo veruzhinji ngavarege kungotenda zvose zvinoitwa nemaporofita nen’anga nekuti zvimwe zvacho zvinoisa utano hwavo panjodzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey