MAONERO EDU: Mushandi wepamba handi muramu bodo

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
MAONERO EDU: Mushandi wepamba handi muramu bodo

Kwayedza

NYAYA dzekusavimbika muwanano dzagara dzinonetsa. Pane zvikonzero zvakasiyana-siyana zvinoita kuti murume kana mukadzi aite gumbo mumba, gumbo panze. Asi zvose hazvigashirike kuti munhu akaroora kana kuroorwa aite hunzenza.

Kune nyaya dzehunzenza hwevanhu vari muwanano dzinogara dzichibuda munhau nguva nenguva, kusanganisira dzekuti mudzimai kana murume wemunhu anodana nemunhu anenge achimushandira pamba.

Vamwe vari kubatwa vachitumira kana kutumirwa mifananidzo yevanhu vasina kupfeka panharembozha. Zvose izvi zvakashata uye zvinoita kuti wanano iite zinyekenyeke.

Semuenzaniso, murume anogona kudanana nemusikana anovashandira pamba kana kuti mudzimai wemunhu anotopengesana nemushandi wake wemubindu kana kuti anenge achichengeta zvipfuyo. Kutodanana zvekusvika pakuitisana pamuviri! Munyaya yatinayo svondo rino, vaverengi veKwayedza vanoshoropodza kushaya hunhu kwakadai. Vamwe vanoti vanasaimba vanopedzisira vodanana nevasikana vebasa nekuti vanenge vatadza kukunda miedzo yakaita semapfekero avo. Vamwewo vanoti mamwe madzimai anoregera vasikana vemumba vachiita basa ravanofanira kuita ivo sekuwacha nekuchisa nhumbi dzemurume dzemukati izvo zvinozoita kuti pakupedzisira baba vemba vadanane nemusikana anovashandira.

Hanzi vanenge vayemura mabatirwo ebasa nemusikana uyu kana vachimuenzanisa namai vemba.

Kunyangwe dzimwe nguva vamwe vachida kupa zvikonzero vachitsigira hunhu hwakadai, chokwadi ndechekuti kurasa hunhu uku kunokonzerwa neruchiva pamwe nekusagutsikana nemudiwa mumwe chete. Kune vamwe zvakare vanogona kuda kutora mukana wekuti sezvo munhu achindishandira, haafanire kuramba zvandinenge ndichida kunova kutyora kodzero dzemushandi wemumba uyu. Vashandi vemudzimba vanofanira kuziva kuti vane kodzero dzekutsvaga vavanodanana navo pasina kumbunyikidzwa.

Tinodaro nekuti kana munhu ari mushandi wepamba hazvireve kuti “anongokaviwa sebhora”, kwete. Kazhinji kusavimbika kwose kunoita kuti imba kana kuti wanano iparare uye zvichikonzera mhirizhonga zvakare.

Mazuva ano kune zviwere zvepabonde, kusanganisira chazezesa, mukondombera weAids, zvichireva kuti munhu akasaita hwezingizi hwekugonyera pamwe anogona kuzvigokera moto muziso.

Zvakakosha kuti mushandi wepamba neavo vaanosevenzera pave nekuremekedzana pamwe nekunyarana. Kunyangwe Bhaibheri chairo rinoti kuremekedzana kunounza huMwari uye kana vanyarikani vakaremekedzana, kashoma kuti vazopinde munyaya dzinonyadzisa sezvatiri kuona kana kunzwa mudzimba umo. Tinogona kutora muenzaniso wemusikana wechidiki anenge achishanda mumba. Kana baba vepamba apa vakamuona semwana wavo iye achivaremekedza sababa vake, hapana mukana wekuti vagume vave kudanana. Saka zviri kunzungu nekunyimo! Izvi ndizvo zvimwe chete kune mudzimai anenge achishandirwa nemukomana, angave wemubindu kana kuti mufudzi wemombe. Anofanira kumutora semwana kana kuti hanzvadzi yake, vogara vachiremekedzana. Chakakosha kuzvibata pamwe nemugariro unokudzwa uye munhu achiziva kuti mushandi haazi nhapwa. Haazi muramu wevaridzi vemba zvekare ngazvigumire pakubatsirana basa raakainga kwete kufarisa zvekusvika kuimba yekurara. Zvinonyadzisa uye zvichibvisa chimiro kunzwa kuti imba yaamai kana kuti baba ngana yakaparadzwa mushure mekunge vadanana nemushandi.

Share This:

Sponsored Links