MAONERO EDU: Mutemo hausi wako, usauise muhomwe

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
MAONERO EDU: Mutemo hausi wako, usauise muhomwe

Kwayedza

MUMAGARIRO evanhu, kune vamwe vanoda kutora mutemo vachiuisa “muhomwe dzavo” sekutaurwa kwazvinoitwa. Asi pakupedzisira vanhu ivava vanoguma vochema kana vapinda muna taisireva, ivo vacho vazotarisana nemutemo. Vanhu vakadai ava ndivo vanokonzera nyonga-nyonga vachikanganisa magariro akanaka munharaunda.

Seimwe nyaya yatinayo svondo rino, yemurume wekwaMakumbe, kuDomboshava, uyo anoti akazvindikitwa nevamwe varume achipomerwa mhosva yekuti muSatanist.

Murume uyu ndiye ane nyaya yakambobuda mubepanhau rino nguva yadarika achitsvaga rubatsiro apo aiti akange apinzwa chechi yeSatanism nekusada apo aitsvaga rubatsiro paairwara.

Zvino murume uyu anoti akaitwa dititi apo akange akumbira kukwira motokari yevamwe varume achienda kumba kwake.

Anoti varume ava vakamubvunza kana ari iye ane nyaya yakambobuda mubepanhau rino achibvuma kuti aimbopinda chechi yeSatanism. Paakati hongu ndiye, varume nhubu ava vakabva vaita sekunge ndivo vabatwa nemweya weSatanism ndokusunga muchinda uyu mawoko vachimurova zvakasimba.

Murume uyu anoti airohwa achipomerwa kuti ndiye akonzeresa tsaona dzakaitika kunzvimbo dzakasiyana kukafa vanhu.

Asi tikanyatsodzamisa pfungwa panyaya iyi, tinoona kuti murume uyu akatoreurura mabasa ake akaipa kare uye ndokubuda pachena kuti aida rubatsiro rwekuti adzikinurwe.

Kune nyaya dzakawanda dzerudzi urwu dzinobuda muKwayedza nguva nenguva idzo dzine chekuita nemweya yerima.

Imwe yenyaya dzakadai ndeye mudzimai akabuda pachena achiti akagara makore akawanda pasi pemvura nenjuzu apo aitorera vanhurume upfumi hwavo. Mukadzi uyu akareurura kuti akange asisade kuita mabasa aya nekudaro aida rubatsiro.

Imwezve ndeye musikana wechidiki wekuZvishavane uko akabuda pachena achiti anodya nyama yevanhu natete vake.

Kana munhu abuda pachena nemabasa ake akaipa zvinoreva kuti anenge apfidza, asisaade, ave kuda upenyu hutsva.

Zvino vamwe vakaita tsika yekuranga kana kurova vanhu vakadai vanenge vachida kuti zvidini? Ivo ndivo ana ani vanoisa mutemo muhomwe dzavo? Mabasa eSatanism nekuroya ane chekuita nenyaya yemweya yerima zvichireva kuti zvinogona kuitika kune vamwe vanhu vasingade saka yave mhosva here?

Tinotenda kuti vanhu vari kunzi vakarova murume wekuDomboshava uyu nemhosva yekuti akareurura kuti muSatanist, vakasungwa.

Matare edzimhosva anofanira kuranga zvakaomarara nhubu dzakadai. Nekuti hakuna munhu anotenderwa kuonesa mumwe munhu nhamo nekuda kwekuti anenge areurura pamusoro pezvakaipa zvaanenge achiita. Ndokusaka kana mhondi chaiyo ichinzi kana yatongwa, yapedza kupika jeri, inofanirwa kudzoka muvanhu yogara zvakanaka pasina anoikanganisa. Zvakangofanana neavo vane katsika kekurova vanhu vanofungirwa kuti vanenge vaba.

Kwete, munyika muno mune mutemo unofanira kuremekedzwa pamwe nekutevedzwa. Iwe handiwe mutemo saka usautore kuuisa muhomwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>