MAONERO EDU: Mwanasikana wazodadisa

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

BUDIRIRO yevanasikana mubvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino inofadza zvikuru sezvo ichiratidza kusimudzirwa kuri kuitwa dzidzo yavo.

Kanzuru inoona nezvebvunzo munyika muno yeZimsec inoti pabvunzo dzeGrade 7 idzi, vasikana vakapasa kudarika vakomana nechikamu chinosvika 5%.

Vasikana vakapasa nechikamu che45,29% kana zvichienzaniswa ne40,43% chevakomana.

Huwandu hwevana vakanyora bvunzo dzeGrade dzemunaMbudzi gore rino hunosvika 329 549 kana zvichienzaniswa ne329 217 vegore rapera.

Zvakadaro, zvinofadza zvikuru kuona vana vasikana vachibudirira mubvunzo dzerudzi urwu kudarika vakomana.

Izvi zvinoratidza zvoga kuti kana vanasikana vakapihwa mikana, vanoita zvinorova nekuti kune vamwe vabereki vane mafungiro ekuda kukoshesa dzidzo yevanakomana chete.

Mafungiro akadai aya achakasarira kumashure nekuti vakuru vanoti chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.

Tinodaro nekuti nhasi uno kune vanhukadzi vakawanda vari kuita mabasa ayo kare ainzi anoitwa nevanhurume bedzi.

Mabasa akadai akafanana nekutyaira ndege kana zvitima izvo nhasi uno zvave kutyairwawo nevanhukadzi kusiyana nakare.

Zvakadaro, zvichitevera kubuda kwezvakanyorwa nevana pabvunzo dzeGrade 7 dzegore rino, vabereki vazhinji pari zvino vari kuita chipata-pata kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 dzegore rinouya.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti kune vachada kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 kuzvikoro zvebhodhingi, pachange pachishandiswa nzira yedandemutande inonzi Eletronic Ministry Application Platform.

Vanoti vabereki vanozadzisa zvinodiwa pafomu iri vachishandisa dandemutande apo vanosarudza zvikoro zvitatu zvavanoda kuti vana vavo vazoenda kunotanga Form 1.

Vabereki vanozoziviswa kuburikidza nemashoko achazotumirwa panharembozha dzavo mazita ezvikoro izvo vana vavo vanenge vawana nzvimbo.

Dr Dokora vanoti izvi zviri kuitwa nedonzvo rekupedza huwori mukutsvaga nzvimbo dzevana veForm 1 sezvo dzimwe nguva vamwe vanopedzisira vobvisiswa chiokomuhomwe nevakuru vezvikoro kuitira kuti vana vavo vawaniswe nzvimbo.

Tinovimba kuti chirongwa chekutsvaga nzvimbo dzeForm 1 ichi chichafamba zvakanaka sezvo nyaya yenzvimbo dzechikoro yagara iri dambudziko. Nzvimbo dzose dzeForm 1 dzegore rinouya dzinonzi dzichapihwa kuvana musi wa20 Zvita uye itarisiro yedu kuti hapazove nezvimhingamipinyi sezvakaitika gore rapera apo vamwe vana vakatadza kuwana nzvimbo pazuva rimwe chete raive ratarwa.

Izvi zvakazoita kuti vamwe vabereki vamhanye-mhanye kutsvagira vana vavo nzvimbo nguva yapera.

Zvakakoshawo kuti vabereki vaite gadziriro yevana vachatanga Form 1 ava nguva ichiripo kuburikidza nekuona kuti mari yefizi, yekutenga mayunifomu nezvimwe zvinodiwa kuchikoro yavepo.

Hazvibatsire kuzomhanya-mhanya nguva yapera.

Share This:

Sponsored Links