MAONERO EDU: Ngozi: Ripai nezvimwe, asi kwete nemunhu

24 Jul, 2014 - 10:07 0 Views
MAONERO EDU: Ngozi: Ripai nezvimwe, asi kwete nemunhu

Kwayedza

VAKURU vanoti mushonga wengozi kuiripa. Ichi ichokwadi nekuti unogona kuitsipika asi kana yave kuzopfuka rudzi rwose runogona kupera nechakapedza mbudzi. Nyaya dzengozi dzagara dziriko kubvira kare uye maripirwo adzo akasiyana zvichienderana nemaparirwo adzinenge dzakaitwa. Pasichigare vamwe vairipisa ngozi nevanhu, angave mwanasikana kana mwanakomana, zvichienderana nezvinenge zvichidiwa nengozi yacho, asi tsika iyi mazuva ano haichatenderwa zvachose.

Munhu haaripiswe ngozi asi zvipfuyo, mari kana zvimwe zvinhu.

Svondo rino tine imwe nyaya yengozi yatsviriridza kudunhu reHurungwe, iyo iri kusvika pane mumwe mudzimai wechidiki ichiti inoda kuripwa nemwanasikana nemombe 60 pamusoro.

Baba vemukadzi ari kusvikirwa nengozi iyi vanoti vatozvipira kuripa nemwanasikana wavo, zvisinei nekuti mutemo wenyika hautendere kuti munhu aripiswe ngozi. Ukuwo, mwanakomana wemumhuri iri kuda kuripwa ngozi iyi, uyo anonzi baba vake ndivo vakapondwa, anoti sekuona kwake, hazviite kuti varipwe nemunhu.

Zviri pachena kuti mwanakomana wemushakabvu uyu anoziva kuti kuripa ngozi nemunhu imhosva huru inokonzera kuti nyakuzviita apedzisire ave kudya sadza refovhoro kujeri.

Kana mapurisa vari kuyambira mhuri mbiri idzi kuti dzikangowirirana kuripa kana kuripwa nemwanasikana bedzi vanosungwa. Nekuti vanenge vakoromora mhosva huru. Semaonero edu, zvakakosha kuti mhuri mbiri idzi dzigare pasi dzotsvaga dzimwe nzira dzekuripa nadzo ngozi iyi pane kushandisa mwanasikana uyo anonzi anozofanira kunopihwa murume kana varume vekuita navo vana kumhuri yanyakupondwa.

Tinodaro nekuti uku kutyora kodzero dzemwanasikana uyu sezvo aine kodzero dzekusarudza kana kutsvaga murume waanoda kuroorwa naye. Iyo nyaya yekuti ngozi inoda kuripwa nemombe 60 inonzwisisika nekuti izvi zvipfuyo, kwete kuripwa nemunhu. Ko iko kuzoda mhandara kani!

Hongu, ngozi inogona kunge ichitaura zvainoda kuripwa nazvo asika vapenyu vanokwanisa kugara pasi vowirirana kuti yoripwa sei izvo zvinogona zvakare kuziviswa kumweya wengozi uyu kuburikidza nechivanhu chinenge chichiitwa nehama. Hazvirevi kuti zvinenge zvataurwa nemweya wengozi ndizvo zvinofanirwa kuitwa asi kuti zvainenge ichitaura zvinoita kuti nyaya iyi iwane matangirwo zvichizoenda mberi kusvika pakuripwa.

Asiwo, nyaya yekuHurungwe iyi chidzidzo zvakare kune vamwe veruzhinji kuti upenyu hwemunhu hwakakosha, munhu haangouraiwa sehuku. Kana iyo huku vamwe vachigozoteta wani! Zvinorwadza kuona kuti nhasi uno imba yemukadzi ari kusvikirwa nengozi uyu yakamira negumbo rimwe nekuda kwezviri kuitika kwaari, zvakakonzerwa nemumwewo munhu wemudzinza kwete naiye.

Nguva nenguva anonzi ari kugara achirwisana nemurume wake apo mweya uyu unenge wamubata. Chinonyanya kurwadza ndechekuti mweya uyu uri kubata pamunhu asina kupara mhosva iyi asi nyakuikoromora asina chaari kuona. Zvichida akazvigadzirira kuti zvisamuinge. Asi kusvika rinhi?

Ngozi ngaipfuke asi pakuripwa nemunhu tinoti KWETE.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>