MAONERO EDU: Pinjisi haivake imba, tauriranai

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
MAONERO EDU: Pinjisi haivake  imba, tauriranai

Kwayedza

HURUMENDE yeZimbabwe iri kutora matanho akawanda akananga kuchengetedza kodzero dzevanhukadzi pamwe chete nevanasikana. Izvi zvaona mitemo ine chitsama ichikumikidzwa nedonzvo rekuti pasave nekumbunyikidzwa kwevanhukadzi.

Zvisinei hazvo nebudiriro yaitwa munyaya dzekuchengetedza kodzero dzevanhukadzi iyi, kune vamwe vachiri kumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana. Muenzaniso ndewe imwe nyaya yatinayo svondo rino, iyo yakabuda zvakare mubepanhau rino vhiki radarika.

Nyaya iyi ndeye mudzimai wekuUnit O, kuChitungwiza, uyo aishungurudzwa zvisina mukare akamboona nemurume wake.

Sekubuda kwenyaya iyi mudzimai uyu, Nyaradzo Musokeri, anoti aigara achizvindikitwa nesimbi muviri wake wose asina kupfeka pamwe nekurohwa pasi petsoka zvekusvika pakutadza kufamba uye achimboswinywa nepinjisi. Nyaradzo anoti akasvika pakuda kubviswa mimba yaainayo kamwana kachiita zvekudhonzwa nepinjisi uye akapotsa apfekerwa kamba mhenyu nekusikarudzi kwake nemurume wake, Talent Musokeri.

Talent akatomira mudare redzimhosva nekuda kwehutsinye hwaaiita uhu ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere yakazara.

Chinoshamisa panyaya iyi zvinonzi Nyaradzo aigara achisungurudzwa naTalent asi hapana matanho aaitora kwenguva yakareba. Dzimwe nguva vamwe havangade kumushora vachiti aiitira izvi nechinangwa chekuchengeta imba yake. Asika, kunyangwe hazvo munhu achida kuchengetedza imba yake, handizvo zvingaite kuti ashungurudzwe zvekuitwa kafiramberi akangonyarara. Munhu wose ane kodzero yekugara upenyu hwakasununguka pasina kushungurudzwa, zvisinei kuti murume here kana kuti mukadzi, mukomana kana musikana. Hapanai ane mvumo yekupfuvisa mumwe munhu. Kune vamwe vane pfungwa dzekuti nyaya dzemudzimba pakati pemurume nemukadzi hadzifanire kuendeswa kumatare vachiti chakafugidza dzimba matenga. Asi kwete kana paine kushungurudzana kwemhando iyi. Hazvisi nyore kuti munhu ugare uchirohwa nesimbi uye usina kupfeka pamwe nekutswinywa nepinjisi.

Uhu hutsinye hwekupedzisa nekuti kana muchato waramba zviri nani kuti vanhu vasiyane pasina kukuvadzana.

Chimwezve chinorwadza panyaya iyi ndechekuti Nyaradzo anoti paairohwa naTalent asina kupfeka nhumbi vana vavo vaiona zvose zvaiitika. Maitiro akadai aya anokanganisa zvikuru remangwana revana nekuti vanenge vachikurira mumhirizhonga.

Kana murume nemukadzi vatadza kuwirirana mumba kune kwakawanda kwavanogona kuenda kunobatsirwa kwakaita sekwavatete navanaambuya, kumachechi kana kumapurisa. Upenyu hwekushungurudzana pamwe nemhirizhonga mudzimba hauna kunaka nekuti mhedzisiro yacho rufu kana kuremara kwemumwe. Tinovimba kuti nyaya iyi ichava chidzidzo kune vamwe, zvikuru vanhurume, kuti mhirizhonga yemudzimba haina chimuko asi kuti inopinza munhu muna taisireva.

Kuswinya nepinjisi kana kurova nesimbi hazvina zvazvinogadzira, tauriranai!

Share This:

Sponsored Links