Maonero edu: Rangai vana murudo, tsitsi

25 Jun, 2015 - 15:06 0 Views
Maonero edu: Rangai vana murudo, tsitsi

Kwayedza

MAZUVA ano pane nyaya iri kutsviriridza, inova yekuti vabereki pamwe nevarairidzi vane mvumo here yekuranga vana senzira yekuvapinza mugwara rakanaka.

Izvi zvinotevera mutongo wakaturwa nedare guru reHigh Court wekuti pari zvino vana vanogona kumborangwa apo pakamirirwa kuonekwa kuti dare repamusoro reConstitutional Court, iro richiri kuongorora nyaya iyi, rinoti kudii.

Nguva yadarika, rimwe remasangano anomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, rakanyorera kumutungamiriri wenyika President Mugabe richikumbira mvumo yekuti varairidzi vabvumidzwe kuranga vana nekuvarova muzvikoro.

Sangano iri rakatora danho iri nekuti pasi pemutemo webumbiro idzva reZimbabwe, kurohwa – kungave kwevanhu vanenge vapara mhosva kana kwevana sechirango – hakutenderwe.

Muchikumbiro charo charakapa kuna President Mugabe, sangano rePTUZ rakati muzvikoro vana vazhinji vave kuita hunhubu nekuti vanozviziva kuti mutemo haubvumidze kuti varohwe sechirango.

Nekudaro izvi zvakaona mamwe mapoka achiendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva nechinangwa chekuti iongororwe.

Ogororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti vamwe vana vechikoro havadi kurohwa nekuti dzimwe nguva vanenge vachingoshapurwa pasina zvikonzero chaizvo zvinokodzera kuti varangwe nenzira iyi.

Vamwewo vanoti varairidzi vanofanira kuziva pekurova kana vachivaranga kwete kungobhurwa pose-pose.

Ichi ichokwadi nekuti kune dzimwe nyaya dzekurohwa kwevana vechikoro nevarairidzi dzinopedzisira dzasvika kumapurisa nekuti kuranga kwacho kunenge kwadarikidza zvekusvika pakuti mwana anokuvara zvakaipisisa.

Pamusoro pezvo, kune vamwe varairidzi zvakare vanoranga vana nezvinhu zvinokuvadza. Kwete, uku kunenge kusisiri kuranga asi kuti kutoponda chaiko. Semaonero edu, zvakakosha kuti vana varangwe asiwoka marangiro acho ngaave akafanira, kwete kuita zvehutsinye.

Tinodaro nekuti kunyangwe Bhaibheri chairo rinoti anodzora shamhu anovenga mwana wake zvichireva kuti pane nguva mwana yaanofanirwa kurangwa kana achinge akakanganisa.

Asi kuranga uku ngakuitwe zvine rudo netsitsi mukati kwete kuti murairidzi kana mubereki anotoburitsa tsinga achirikita mwana.

Kana muri muzvikoro, tinoona zvakafanira kuti mukuru wechikoro apihwe iye mvumo yekuranga vana nedonzvo rekuti parege kungoita madirativhange nekuti ndipo panopedzisira vana vorohwa zvisina tsarukano. Ivowo vana vacho kana vasingade kurangwa ngavachiitawo zvinotarisirwa kwete kuda kuzvitutumadza vachitadza kuremekedza varairidzi pamwe nevabereki nekuti pane mitemo inovadzivirira.

Vana vanofanira kuziva kuti chinangwa chemubereki wose pamwe nevarairidzi ndechekuumba remangwana rakanaka ravo.

 

Share This:

Sponsored Links