MAONERO EDU: Teverai gwara raPresident, vakuru nevadiki

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Teverai gwara  raPresident,  vakuru nevadiki

Kwayedza

NOMUSI weMugovera uno Zimbabwe iri kupemberera zuva rekuzvarwa kwemutungamiri wenyika, President Mugabe. Pazuva iri, President Mugabe, avo vanovazve mukuru-mukuru weuto reZimbabwe Defence Forces, vachasvitsa makore 91 okuberekwa.

Mhemberero huru dzezuva rakaberekwa mutungamiriri wenyika dzichaitwa kuVictoria Falls kozoti dzimwe dzinenge dziri kumativi mana enyika. Mhemberero dzegore rino dzine musiyano zvikuru nedzemamwe makore akadarika nekuda kwekuti dziri kuita panguva iyo President Mugabe vachangobva kusarudzwa kuve sachigaro wesangano remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, reAfrican Union.

Vakasarudzwa kuti vatore chigaro ichi zvisinei nekupikisa kusina maturo uko kwaiitwa nedzimwe nyika dzekumadokero dzinove zvakare dzakatemera Zimbabwe zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo.

Kusarudzwa kwaPresident Mugabe pachigaro ichi kunoratidza chivimbo chine Africa kwavari. Kunze kwaizvozvo, President Mugabe zvakare ndivo sachigaro wesangano renyika dziri mudunhu reSadc. Ichi chiremerera chikuru kwazvo chekuti President Mugabe vanosarudzwa kuve sachigaro wemasangano maviri akakosha kudai panguva imwe chete.

Mhuri yeZimbabwe inofanira kudada nekuve nemutungamiri akadai.

President Mugabe vanozivikanwa pasi rose nemukurumbira wekurwira kodzero dzevanhu vatema vachitaura kunyangwe pamisangano yakaita seyepagore yeUnited Nations, pasina kutya kana kugedageda. Vatungamiriri vashoma muAfrica nepasi rose vanozivikanwa nekumira pasina zvinyeke-nyeke pamashoko avanotaura saPresident Mugabe. Havabude mugwara sezvinoitwa nevamwe avo vanongoti vakarembedzerwa tumasendi kana kakeroti vobva vasanduka.

Nhasi uno nyika yeZimbabwe ine runyararo nekuda kwehutungamiriri hwavo. Zimbabwe inoverengwa pane dzimwe nekuda kwehutungamiriri hwaPresident Mugabe. Zimbabwe pari zvino ndiyo iri pamusoro munyaya dzedzidzo muAfrica yose. Veruzhinji zvakare vave vene vevhu zvichitevera kugoverwa kwavakaitwa ivhu iro nguva yadarika rakange riri mumawoko evapambepfumi vashoma. Zvakakosha kuti vechidiki vatevere matsimba aPresident Mugabe nekuti ndivo vatungamiriri vemangwana.

Ichi ndicho chinangwa chakaita kuti paumbwe boka re21st February Movement iro rinotungamirira mhemberero idzi gore negore nedonzvo rekupa mucherechedzo kune vechidiki kuti vazive gwara rekufamba naro.

Rusununguko rwuri muZimbabwe nhasi uno haruna kuuya nyore asi kuti rwakabva pakuzvipira kwemagamba ehondo yerusununguko akaita saPresident Mugabe nevamwe varere kumarinda eNational Heroes Acre nekune dzimwe nzvimbo.

Iyi idzidziso inofanirwa kurovedzerwa kune vechidiki nekuti zvakakosha kuti vazive nhoroondo yenyika.

Apo nyika iri kubatana mukupemberera bhavhadhe raPresident Mugabe, zvakakosha kuti mhuri yeZimbabwe itarise kwayakabva pamwe nekwairi kuenda. Tinoti makorokoto Cde President!

Share This:

Sponsored Links