MAONERO EDU: Tsika dzinoumba hwaro hwemunhu

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
MAONERO EDU: Tsika dzinoumba  hwaro hwemunhu

Kwayedza

MAZUVA ano vabereki vakawanda vari kuchema-chema kuti vana varasa tsika dzechivanhu uye havasisina rukudzo kuvanhu vakuru kwavari. Pasichigare vana vaive netsika dzaiyemurika zvikuru uye munhu wechikuru wose aiona mwana upi zvake sewake izvo zvasiyana nanhasi uno.

Kana ivo vanhu vakuru vacho vamwe vavo varasa hunhu nekuda kwemaitiro avave kuita. Vamwe vanoti vechidiki vari kutevera tsoka dzevakuru vari kurasika ava.

Kare hazvaishamisa kuona munhu mukuru achiranga mwana waasingazive kana nemubereki wake mushure mekunge atadza nekuti vana panguva iyi vairairika. Kwete mazuva ano, ekuti ukada kutsiura mwana wemumwe achiita zvakaipa anogona kukushura mare achibatsirana nevabereki vake vanenge vasingade kuti atsiurwe nevamwe vanhu.

Uku ndiko kurasika kwaita tsika dzedu zvekuti kunyangwe mitambo yechinyakare, iyo yaitibatanidza sevanhu vatema, nhasi uno vamwe vanoitarisira pasi. Hanzi zvakasarira kana kuti ndezvemasvikiro!

Tinotenda kuti zvisinei kuti vamwe vave kuda kukoshesa chiRungu, kuchine vamwe vachiri kusimba mukumutsiridza nekuchengetedza tsika dzechivanhu. Chinofadza ndechekuti kumwe kuchiri kusimudzirwa tsika dzechivanhu kuzvikoro kuburikidza nezvidzidzo pamwe nemitambo yakasiyana-siyana yepasichigare.

Mitambo iyi yakafanana neMbende kana kuti Jerusarema inoitwa kwaMurehwa nekuUzumba Maramba Pfungwe.

Nguva pfupi yadarika, chikoro cheDombodzvuku Primary School chakatora mukombe mumakwikwi eMbende/Jerusarema Dance Festival ayo akaitirwa panzvimbo yeMurehwa Centre.

Vana vepachikoro ichi vakomana nevasikana, avo vazhinji vavo vaive pasi pemakore 10 okuberekwa, vakaratidza kuti inyanzvi mutambo uyu kuburikidza nezvidavado zvavakaita. Aka hakasi kekutanga kuti Dombodzvuku adadise.

Mukuru wemadzishe munyika (President of the Chiefs Council), Mambo Fortune Charumbira, avo vaiva muenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, vakapembedza makwikwi aya vachiti anosimbaradza tsika nehunhu hwezvizvarwa zveZimbabwe.

“Mutambo wembende unoumba hunhu pamwe netsika nemagariro edu sezvizvarwa zveZimbabwe zvinova zvakakosha kuti tizive kwatakabva uye kuti tigarisane nevamwe zvakanaka murunyararo.

“Inhaka yedu yemusiiranwa inotibatsira kuunza budiriro munyika medu asi kwete munyaya dzemari chete asi mupfungwa, munyama pamwe nemumweya sevanhu. Mutambo unobatsira pakuderedza hurombo uye tinokwanisa kusimudzira nyika kuburikidza nawo,” vanodaro. Mashoko aMambo Charumbira anofanirwa kugashirwa nehudzamu hwawo.

Semaonero edu, vanhu vatema vanofanira kukoshesa tsika dzavo, vodzitungamidza pamberi kwete kuda kususukidza chiRungu.

Nhasi uno kune vamwe vanakomana vari kufamba vakarembedza mabhurukwa matatu kana mana anenge akapfekwa panguva imwe chete. Ndicho chii ichocho? Ibasa redu tose rekudzoreredza hunhu pamwe netsika dzedu sevanhu vatema nekuti hatimbofa takasanduka kuita vaRungu kunyangwe zviite sei.

Share This:

Sponsored Links