MAONERO EDU: Uku une foni, uku zvechikoro bodo

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
MAONERO EDU: Uku une foni, uku  zvechikoro bodo

Kwayedza

MAZUVA ano kufambiswa kwemashoko kwave nyore zvichitevera kuuya kwenzira dzakasiyana dzakaita sedandemutande pamakombiyuta nepanhare.

Izvi zviri kuita kuti vanhu vave neruzivo pamusoro pezvinhu zvakasiyana nekukasika uye nyore. Budiriro yekufambiswa kwemashoko nechimbi-chimbi iyi iri kubatsira zvakare vadzidzi vakasiyana vangave vekupuraimari, sekondari kana avo vari kumakoreji nemayunivhesiti. Vadzidzi ava vanokwanisa kuwana ruzivo rwezvidzidzo izvo zvavanoita padandemutande zvinova zvinovaitira nyore pakufunda. Nekudaro vadzidzi vave kushandisa makombiyuta pamwe nenharembozha zvakanyanyisa nedonzvo rekuti vabudirire.

Zvakadaro, hapana chakaipa kuti vadzidzi vashandise nzira dzechizvino-zvino mukuvandudza fundo yavo.

Asi dambudziko rinozovapo kana makombiyuta nenharembozha zvikashandiswa nevana vechikoro nenzira dzisina kufanira. Izvi zvinosanganisira kuona mifananidzo yezvinyadzi kana kuita zvevakomana nevasikana kuburikidza nezvinhu zvakaita seWhatsApp kana Facebook apo mudzidzisi anenge ari pakati pekufundisa vana. Zvikoro zvakawanda munyika muno hazvibvumidze vana kuti vashandise nharembozha pavanenge vari kuchikoro uye anenge aonekwa ainayo inotova mhosva yekuti inobva yatorwa pakerepo.

Izvi zvinenge zvichiitirwa kuti vadzidzi vasawane chimwe chinovakanganisa kana vari pachikoro. Zvisinei, gurukota redzidzo yepuramairi nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti hapana chakaipa kuti vana vechikoro vashandise nharembozha kuchikoro. Dr Dokora vanoti vakuru vezvikoro vanotorera vana nharembozha pachikoro vachiri kusaririra shure nekudaro vanofanira kufambirana nenguva. Vanoti michina yemazuva ano yakaita semakombiyuta nenharembozha iri kubatsira zvikuru vadzidzi mufundo yavo sezvo mairi muchiwanikwa ruzivo rwakawanda uye rwakakoshera vadzidzi.

Ichi ichokwadi nekuti padandemutande pave kuwanikwa zvidzidzo zvose zvakaita seShona, Geograpy, History, Science nezvimwe.

Pamusoro pezvo, mhinduro dzemibvunzo mizhinji inosangana nevadzidzi inokwanisa kupindurwa kuburikidza nedandemutande.

Hapana anopokana nekuti vadzidzi vanofanira kuwaniswa mukana wekushandisa michina yemazuva ano pakuvandudza ruzivo rwavo. Asika, nyaya iri pakubvumidza vana kuti vashandise nharembozha panguva yavanenge vari kuchikoro. Mafoni tunhu tunokwanisa kugariswa makahwanda nevana, vachipota vachiburitsa muchivande voita zvisinei nechikoro. Zvino kana votenderwa kuva nawo kuchikoro, vadzidzisi vachazvigona here kutarisa kumwana woga-woga kuti vaone kana zvinenge zvichiitwa panhare zviri zvekudzidza?

Semaonero edu, nyaya iyi inoda kuzeyewa zvakasimba nekuti ikangoitwa zvekubatirwa padenga bedzi, budiriro yenyika ino mune zvedzidzo inogona kudzokera kumashure. Tinodaro nekuti kana vana vakanzi vashandise nharembozha pachikoro ndiani anezenge achiita basa rekuongorora nguva pamwe nenzvimbo yadzinenge dzichizoshandiswa?

NeWhatsApp yakati kuuya iyi, hazvizoshamisa kuona mwana ari paWhatsApp apo murairidzi anenge ari mubishi kufundisa mukirasi asi pasina anenge achimuteerera. Kana nharembozha dzave kushandiswa panguva yezvidzidzo saka varairidzi vanenge vave kuita basa rei?

Pamusoro paizvozvo, padandemutande pane zvakawanda zvinokwanisa kukanganisa upenyu hwevana zvakafanana nemifananidzo yezvinyadzi.

Hongu zvakanaka kufambirana nenguva asi semaonero edu, nyaya yekuti vadzidzi vobvumidzwa kushandisa nharembozha kuzvikoro inoda kuzeyewa zvakadzama. Panyaya yekuti vana vaende nemafoni kuchikoro, isu tinoti, “Hazviite! Hazviite!”

Share This:

Sponsored Links