MAONERO EDU: Usangochuhwa mvura nekunwa

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Usangochuhwa mvura nekunwa

Kwayedza

MVURA yakakosha zvikuru muupenyu hwevanhu pamwe nezvipuka zvose zvinorarama pasi rino. Kana mvura ikashaikwa, zvinoreva kuomerwa kwevanhu neupenyu uye kunonyuka zvirwere zvakasiyana.

Nokudaro veruzhinji vanofanirwa kuona kuti mvura yavari kushandisa — zvikuru mudzimba sepakubika nekunwa — yakachena uye inokodzera kushandiswa mabasa aya. Tinodaro nekuti ongororo yakaitwa nevamwe vanamazvikokota vanosanganisira vesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwakanaka kwenharaunda, veEnvironmental Management Agency (EMA), inotaridza kuti mvuya yemuzvibhorani nematsime akawanda muHarare, kusanganisira kumisha yeshoroma, haina kukodzera nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Ongororo iyi yaive yakanangana nezvibhorani zviri kune dzimwe nzvimbo muguta reHarare dzakaita seHopley, Kuwadzana, Budiriro, Kambuzuma nekuBorrowdale.

VeEMA vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti zvibhorani zvizhinji zvine mvura yakasviba, kunyangwe zvazvo veruzhinji vaine pfungwa yekuti mvura yemuchibhorani ndiyo inenge yakachena. Inonzi izere hutachiona.

Mvura yemuzvibhorani izvi inonzi ine utachiona hunozivikanwa nekuti Escherichia coli (E-coli bacteria).

Utachiona uhu hunonzi hunobva mutsvina yevanhu uye imwe mvura yemuzvibhorani iri kusangana netsvina yesuweji apo inenge ichiri pasi muvhu. Sezvinonzi izvi zvishoma, imwe mvura yemuzvibhorani nemumatsime inonzi inosangana nemvura dzezvitunha zviri kumakuva sezvo paine misha yakanyanya kubatana nemarinda.

Pakaipa! Nyaya iyi inorovesa hana zvikuru sezvo zviri pachena kuti vanhu vanoshandisa mvura yakadai vari panjodzi yekubata zvirwere zvemanyoka. Dambudziko remvura isina kukodzera kushandiswa neveruzhinji harisi mumaguta nemadhorobha chete, asi kuti rinowanikwawo kumaruwa.

Kune vamwe vagari vekumaruwa vanoshandisa mvura yavanochera mumatsime kana mumigodhi isina kuchengetedzwa, umo munowira zvakasiyana zvinoita kuti ipedzisire yave neutachiona hunovarwarisa zvakare. Vamwe vanotochera mvura yemunzizi vachinwa.

Kune vamwewo vane tsika yekuisa makuva pazvivanze, pedyo nemigodhi yemvura, izvo zvinokanganisa mvura yavanoshandisa sezvo mitumbi yevanhu painowora nekufamba kwenguva, mvura yacho inopedzisira yasangana neyemumugodhi kana uri pedyo.

Iri ndiro dambudziko guru kunzvimbo dzakaita sekuHopley. Saka zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti hapanai mvura yavangati yakakodzera kushandiswa pasina kutora matanho ekuchengetedza utano hwavo. Izvi hazvinei nekuti vanogara mumaguta here kana kuti kumaruwa.

Veruzhinji vanofanirwa kukoshesa utano hwavo nekuona kuti mvura yavanoshandisa mudzimba — zvisinei nekuti yabva muchibhorani here kana mumugodhi — yacheneswa kuburikidza nekuisa mishonga yakaita seChlorine kana Water Guard. Zvinokurudzirwa zvakare kuti vanhu vafashaidze mvura vasati vainwa kuitira kuti kana iine utachiona hufe.

Kune vamwe vanogona kuona zvose izvi semutoro mukuru chaiwo. Asika, zvakakosha kuchengetedza utano pane kuti munhu azotambudzwa nezvirwere zvinokwanisa kudzivirirwa. Usangochuhwa mvura muchibhorani kana mutsime nekunwa. Gutsikana kuti yakachena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey