MAONERO EDU: uz: Hapana chinokonesa

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
MAONERO EDU: uz: Hapana chinokonesa

Kwayedza

SVONDO rapera University yeZimbabwe yakapemberera kusvitsa makore 60 yavambwa uye kusvika pari zvino yabura shangwiti dzakawanda idzo dziri kubatsira kusimudzira nyika muzvikamu zvakasiyana. Yunivhesiti iyi ndiyo yekutanga munyika muno uye zvinofadza kuona kuti huwandu hwevadzidzi paUZ huri kuramba huchiwedzera zvinovawo zvinoratidza kuzvipira hweHurumende mukusimudzira dzidzo yepamusoro.

Pakawana nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980, vadzidzi vaive payunivhesiti iyi vaive 2 280 asi pari zvino vave 13 000 pagore.
Izvi zvinoreva kuti huwandu hwevadzidzi ava hwakawedzera nechikamu chinosvika 570%. Chimwe chinofadza ndechekuti huwandu hwevadzidzi vanhukadzi hwakawedzerawo kubva pa22,3% muna 1980 kuenda pa49,1% gore rino.

Sekutaura kwaUZ Vice-Chancellor, Professor Levi Nyagura, chishuwo chavo ndechekuti yunivhesiti yavo ive pakati pamayunivhesiti 10 ari pamusoro pemamwe ose muAfrica munyaya dzedzidzo panosvika gore ra2017.

Vanoti vari kutora matanho akasiyana kuitira kuti vange vachizadzikisa chishuwo chavo ichi. Semaonero edu, hapana chinotadzisa kuti UZ ive pakati pemamwe mayunivhesiti ane mbiri muAfrica nekuti inozivikanwa pasi rose nenyaya yekubura shasha munyaya dzeruzivo.

Prof Nyagura vanoti zvakare vanotarisira kuti panosvika gore ra2017 chikamu che90% chevadzidzisi vepayunivhesiti iyi vanenge vadzidza kusvika padanho rePHD.

Izvi zvakakosha nekuti kuti UZ inge ichikwikwidzana nemamwe mayunivhesiti emuAfrica nepasi rose, inofanira kuve nevadzidzisi vanenge vakafunda zvemhando yepamusoro.

Nekudaro zvakakosha kuti yunivhesiti iyi ishande zvakasimba mukuita tsvakiridzo muzvikamu zvakasiyana zvinova zvinobatsirawo mukusimudzira nyika. Tinowirirana zvikuru nemashoko aProf Nyagura ekuti vanotarisira kuti kuitwa kwetsvakiridzo dzakasiyana paUZ kunge kuchiwedzera kakapetwa kagumi kana zvichienzaniswa nazvino.

Tsvakiridzo dzine pundutso ndicho chimwe chechikero chinotaridza kusamhuka kana kuti kusimukira kweyunivhesiti.
Zvakakoshawo kuti makambani akazvimirira nemamwe mapoka anoona nezvedzidzo abatane neHurumende mukusimudzira fundo yepamusoro.

Tinodaro nekuti kubudirira kweyunivhesiti iyi kubudirirawo kweZimbabwe yose. Hapana chinotadzisa UZ kuve koreji ine mutsindo unonzwikwa pasi rose munyaya yedzidzo nekuti ndiyo hwaro hwefundo yepamusoro muZimbabwe.

Yunivhesiti iyi yakashanda nesimba pakuti pazove nemamwe akafanana naiyo akaita seNational University of Scinece and Technology (NUST), Zimbabwe Open University (ZOU) neBindura University of Science Education (BUSE).

Saka kubudirira kweUZ kusimukirawo kwemayunivhesiti aya.
Nemushandirapamwe, hapana chinokona nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuki nhando.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>