MAONERO EDU: Warriors: Zifa yakazvinwisa

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
MAONERO EDU: Warriors: Zifa yakazvinwisa

Kwayedza

KUBURITSWA kwakaitwa chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors kumitambo yeAfrican Nations Championships (CHAN) uyo iri kutambirwa kuRwanda, kwakarwadza munhu wose. Hapana aimbofungira kuti chikwata ichi chingaburitswe chisati chaenda kure kudaro asi chakakundwa neZambia neMali nezvibodzwa 1-0 mumitambo yose miviri yekutanga.

Izvi zvakasiya vatsigiri venhabvu vaine mibvunzo yakawanda, vamwe vazere nehasha. Kune vamwe vane pfungwa dzekuti murairidzi wechikwata ichi, Callitso Pasuwa, ndiye honzeri yekukundikana uku naizvozvo “ngaarove pasi” aburitswe basa. Asi tikanyatsoongorora nyaya iyi, tinoona kuti Pasuwa akaedza nepose paanogona kurairidza chikwata ichi kuti chigobudirire mumutambo iyi zvikakona n’anga murapwa achida.

Ndiyezve Pasiwa wekumbodzingwa basa resangano reZIFA, apo aiva pakati pekugadzirira makwikwi aya, ndokuzodzoswa vatsigiri venhabvu vemuno vapenga.

Zvakakosha kuziva kuti gadziriro dzemaWarriors dzekuenda kuCHAN hadzina kufamba zvakanaka nekuda kwekusarongeka kwezvinhu kuZIFA.

Pasuwa akatanga ambodzingwa basa panguva yaiitwa gadziriro idzi ndokuzodzoserwa pachigaro zvinova zvinhu zvisingatarisirwe pakadai nekuti zvakakanganisa hurongwa hwegadziriro.

Izvi zvakaita kuti gadziriro dzechikwata ichi dzinge dzichienda mudondo uye zvakakoshawo kuziva kuti maWarriors haana kana mutambo mumwe chete waakatamba wehushamwari nezvimwe zvikwata zvekunze segadziriro. Pose apa ZIFA yainge ichinwisa bhora mugedhi mayo, iya inonzi “own goal” pachiRungu. Nekune rimwe divi, Zambia yakaita gadziriro dzayo zvizere sezvo yakaenda kunyika yeSouth Africa uko yakaita nguva ichitamba nezvikwata zvikuru zveko. Kusvikira nhasi uno Pasuwa haasati apihwa kondirakiti inoratidza kuti anofanirwa kushanda sei.

Panonzi pane makakatanwa aripo kusangano reZIFA nekuda kwekondirakiti yemurairidzi uyu. Izvi ndizvo zvimwe zvinokanganisa budiriro yemutambo wenhabvu muno nekuti hazvidi kutora nguva yakareba murairidzi asingazive paamire chaipo. Pasuwa akashanda nesimba kubvira kare apo akange asingapihwe mari yemuhoro wake asi haana kuwora moyo nekuti aitungamidza nyika yake mberi.

Saka chii chinoita kuti mwedzi nemwedzi idarike asina kupihwa kondirakiti yake, pasina chanyoreranwa? Hakuzi kuda kuhwandirana here uku?

Saka mutambo wenhabvu ungabudirire sei nemamiriro ezvinhu akadai?

Pasuwa anofanira kupihwa kondirakiti yake zvisinei nekuti maWarriors akakundikana kuenderera mberi kuCHAN. Kune vamwe vanofunga kuti kungosandura-sandura varairidzi ndiko kunoita kuti nhabvu isimukire, asi handizvo.

Tinodaro nekuti chinodiwa ndechekuti ZIFA irongeke uye murairidzi apihwe kodzero dzake kwete zvekuda kuhwanda nemumwe sezviri kuitika.

Hongu, maWarriors akakundikana kuCHAN asi vatambi vaiveko vakadzidza zvakawanda izvo zvinogona kuvabatsira mune remangwana mumitambo yakadai. Ino inguva yekuti maWarriors ange achigadzirira mimwe mitambo iri kutevera yakaita Cosafa Cup neAfcon kwete kushungurudza Pasuwa uyo akashanda nesimba zvisinei nezvimhingamipinyi zvaivepo.

Nyaya haisi yaPasuwa asi kuti iyo ZIFA yakazvipiringisha. Naizvozvo yakanwisa bhora mugedhi mayo!

Share This:

Sponsored Links