Maonero Edu – Zvidhoma: Zvimwe ndezvekunyeberwa

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views
Maonero Edu – Zvidhoma: Zvimwe ndezvekunyeberwa

Kwayedza

SVONDO rino tine dzimwe nyaya mbiri idzo dzinogona kunge dziine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa, nyaya dzekuromba.
Nyaya yekutanga ndeyemumwe mukomana uyo anonzi akafa achirutsa nyoka kuNorton. Yechipiri ndeyechinhu chinofungidzirwa kuti chikwambo kana kuti chidhoma, icho chakaonekwa chiri pane imwe imba kuHighfield, muHarare.

Svondo radarika zvakare taive neimwe nyaya yekwaNyashanu, kuBuhera, yemukomana ane makore 24 okuberekwa uyo anonzi akaponda harawa yaive nemakore 66 okuberekwa achiti aiona mushakabvu uyu sezinyoka.

Mumabudiro enyaya dzose idzi zvinoratidza kuti dzinogona kunge dziine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa. Asi nerimwe divi zvichida hapana mishonga inenge ichishandiswa.

Tikatarisa nyaya yekuHighfield tinoona kuti pamwe chikwambo ichi ndechemanyepo. Tinodaro nekuti mazuva ano maporofita pamwe nen’anga dzenhema vawanda uye vanhu ivava vanogona kuita zvose zvose nechinangwa chekuda mari.

Nguva yadarika takamboburitsa imwe nyaya zvakare yaive pamusoro pekutengeswa kunoitwa zvikwambo zvenhema kuMupedzanhamo, kuMbare muHarare. Zvikwambo zvenhema izvi zvinotohodheswa kune vanenge vachizvida.

Nekudaro vanaTsikamutanda nedzimwe n’anga dzenhema vanonohodha zvikwambo nemadumwa zvenhema izvo zvavanozonoisa kudzimba dzevanhu vavanenge vachiti vari kuvachenurira misha yavo voti ndezvevaroyi.

Nguva pfupi yadarika, mapurisa ekuGoromonzi kudunhu reMashonaland East vakasunga mamwe maporopfita enhema, ayo aive nemukweshwa wenyoka yerudzi rwechiva yaive musaga. Maporofita aya akazobatwa apo vaida kuita chitsotsi chekuisa nyoka iyi mumba meimwe mhuri yavaiti vaida kushandira.

Nyaya iyi inoratidza kuti veruzhinji vanofanira kungwarira maporofita pamwe nen’anga vanoda kudya zvemarema.

Nekudaro zviri pachena kuti chinhu chinonzi chikwambo chakaonekwa kuHighfield ichi chinogona kunge chiri chemanyepo uye yaive nzira yekuda kutyisidzira mudzimai anove muridzi wepamba apa.

Zvisinei, nyaya yemwana anonzi akafa achirutsa nyoka inogona kunge iine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa nekuti mazuva ano kune vamwe vari kubata-bata. Ndizvo zvimwe chete neyemukomana wekunzi akaponda sekuru achifunga kuti inyoka, ndokunge dzisiri mbanje.

Pane musiyano mukuru uripo pakati pemunhu nenyoka nekudaro ukaona munhu onzi ari kuona nyoka asi iye ari munhu zvinenge zvave zvikukutu. Asi aya anogonawo kunge ari mabasa ezvinodhaka zvakaita sembanje sezvo kazhinji munhu akaputa mbanje musoro wake unotenderera.

Semaoero edu, zvinogona kunge mazuva ano vamwe vave kushandisa mishonga yakaipa asi izvo handizvo zvingaite kuti veruzhinji vagare mukutya. Tinodaro nekuti mushonga haubatirire pasina mumwe mushonga uye anocherera mumwe gomba ndiye anowiramo.

Pazvidhoma, hazvisi zvose zvechokwadi. Kumwe kunyeperwa.

Share This:

Sponsored Links