MAONERO EDU: Zvitoro musade mari zvakadaro

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
MAONERO EDU: Zvitoro musade  mari zvakadaro

Kwayedza

Mitengo yezvinhu zvakasiyana zvinosanganisira zvekudya, mayunifomu evana vechikoro nezvimwe iri kungokwira zvisina tsarukano uye pasina chikonzero chaicho. Izvi zviri kuita kuti veruzhinji vaomerwe — kunyanya panguva ino apo upfumi hwenyika husati hwagadzikana.

Zvikoro zvakavhurwa svondo rino apo vabereki vari kuchema-chema nekukwira kwemitengo yemayunifomu nemimwe midziyo inoshandiswa kuchikoro.  Zvitoro zvizhinji zvakangofuma zvakwidza mitengo. Chinangwa chacho? Ivo varidzi ndivo vanotoziva!

Vamwe vabereki nekuda kwekuomerwa nenhau yemari, vanopedzisira votenga mayunifomu evana kana zvimwe zvinodiwa kuchikoro pamisika yemukoto zvisinei nekuti zvizhinji zvacho zvinenge zvisina kusimba kana kunyatsonaka. Nerimwewo divi, chikafu chakaita semafuta ekubikisa, sipo, hupfu, mupunga nezvimwe zvakangokwira mitengo vatengi vasingazvitarisire. Makambani anogadzira neanotengesa zvinhu zvakaita sechikafu nevanosona mayunifomu vari kupa zvikonzero zvakatsaukana kuti sei mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira.

Chikonzero chikuru chiri chekuti makambani aya anoti ari kutenga mari yekunze pamusika wemukoto kuitira kuti akwanise kutenga zvaanoshandisa kubva kunze kwenyika. Ichokwadi kuti mari yekunze kwenyika iri kunetsa kuwana muZimbabwe. Asiwoka, zvakakosha kuti makambani anogadzira zvakasiyana nevezvitoro vave nechido nevatengi pamwoyo. Hongu, makambani aya akapinda mubhizimisi nechinangwa chekutsvaga mari, asi mari iyi haifanire kuzonyanyodiwa nenzira inopedzisira yave kurwadzisa vatengi.

Tinodaro nekuti kumwe kukwidzwa kwemitengo yacho kwakanyanya. Kana mitengo yezvinhu zvakaita semayunifomu yave kukwira kakapetwa kaviri kana katatu tinobva tazvishairwa shumo yazvo. Mutengi ndiye mambo nekuti zvinhu zvikasatengwa muzvitoro, vemabhizimisi havaite mari. Saka zvakakosha kuti vezvitoro pavanofunga nezvekuita mari, vanofanirwawo kutanga vafunga mutengi.  Mutungamiriri wenyika, President Emmerson Mnangagwa, nguva pfupi yadarika vakatsutsumwa nekuda kwekatsika kanoitwa nevamwe vezvitoro kekukwidza mitengo yezvinhu zvisina tsarukano. President Mnangagwa vanoti maitiro akadai anodzosera budiriro yeZimbabwe kumashure.

Tinogamuchira nemawoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekuti pave nekomiti inotungamirirwa nebazi rinoona nezvemaindasitiri, iyo iri kuongorora zvikonzero zviri kuita kuti mamwe makambani pamwe nevezvitoro vakwidze mitengo. Veruzhinji vanoomerwa kana mitengo yezvinhu ikangokwidzwa zvisina tsarukano nekuti mari yavo yemuhoro – kune vaye vanoshanda – inenge isina kuwedzerwawo.

Zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira upfumi hwenyika uye budiriro iyi haikwanisiki kana mitengo ichingokwidzwa pasina zvikonzero zvakati tsvikiti.Makambani anogadzira zvakasiyana pamwe chete nevezvitoro havafanire kunyanya kuda kuita mazimari nekukwidza mitengo pose-pose.

Makore adarika, Hurumende yaipedzisira yomanikidzwa kudzika mitengo yezvimwe zvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose zvakadai sechingwa nekuda kwekuita kwemamwe makambani nevezvitoro avo vanongokwidza mitengo pavadira. Asi, semaonero edu, yakadarika nguva yekuti Hurumende idzike mitengo yezvinhu uye vemakambani nevezvitoro vanofanira kudzika mitengo voga pasina kubatirira kana kudzvanyirira vatengi.

Ibasa remunhu wose kusimudzira upfumi hweZimbabwe. Naizvozvo hapana chikonzero chinoita kuti mitengo yezvinhu ingokwira pamadiro.

Pakukwidzwa kwemitengo yezvinhu pane nyaya! Tinozoguma tobvunza kuti chinangwa chacho chiri papi? Vezvitoro vanosusukidza zvido zvaani? Vane kodzero yekuramba vari mubhizimisi ravari here kana kuti kwete?

Share This:

Sponsored Links