‘Mapepanhau ndiko kupfeka kwangu’

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Mapepanhau ndiko kupfeka kwangu’ Prevalent Sithole

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira munziyo dzechitendero, Prevalent Sithole, anoti anozvishambadza kuburikidza nekupfeka zvipfeko zvakashongedzwa nemapepanhau senzira yekukwezva nekufadza vatsigiri vake.“Mubasa rengu rekuimba ndakaona kuti hapana mumwe muimbi anozvishambadza nenzira yekupfeka mapepanhau uye zvinokwezvawo vanhu vanoona nekuteerera nziyo dzangu. Ndinowanzopfeka zvipfeko zvakashongedzwa nemapepanhau kana ndichiimba kumashoo izvo zvinenge zvichiyevedza nekufadza vakawanda pakutamba nekuimba kwangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Zvipfeko izvi ndinozvishongedzera basa rangu rekuimba chete, handina kumwe kwandinozvipfekera. Pakupfeka mapepanhau aya, ndinoshandisa akaverengwa kare emuno ndichimasonerera pamucheka kana hembe yandinenge ndakapfeka. Kuzvishambadza uku ndakakudzidzira kuburikidza nezvidzodzo zvekugadzira zvipfeko (designing) zvandakaita,” anodaro Sithole.

Sithole achangobva kuparura kambo kake kanonzi Tikwaziseiwo ako anoti ane tarisiro yekuti kachafadza veruzhinji.

“Kambo aka ndakakabudisa kari koga uye ndiri kutarisira kuti vhidhiyo yacho inobuda munguva pfupi iri kutevera nekuti ndava kutoribika parizvino. Kanodzidzisa vanhu vakagarisana munharaunda dzakasiyana kuti vanofanira kufambidzana zvakanaka zvisinei nekuti mumwe anotambura kana kuti anowana. Hatizivi kuti mangwana munhu anofuma ava papi uye mumwe anofuma awana rombo rakanaka zvekuti chero kutaurika naye kunenge kusingachaiti. Vanhu vanofanira kubatana nekufambidzana mukugarisana kwavo,” anodaro Sithole.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>