Mapeza ari panguva yakaoma

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mapeza ari panguva yakaoma Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka
KUNOTSVA demo kuchisara mupinyu svondo rino mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League apo zvikwata zvose zvinenge zvichikwikwidza zvichirwira kuenda pamusoro pelog. Mitambo iyi ichatanga musi weChishanu pazororo revashandi reWorker’s Day apo chikwata chaNorman Mapeza cheFC Platinum chichasangana neTsholotsho mumutambo uchatambirwa kuMandava Stadium, kuZvishavane.
Mapeza ari panguva yakaoma nekuti chikwata chake hachisi kutamba zvinogutsa.

Kubva pamitambo mitanhatu yachakatamba, FC Platinum yakwanisa kutora zvibodzwa zvishanu chete, kuhwina kamwe chete, kuita mangange kamwe chete zvakare asi ndokurakashwa kana.

Ukuwo Tsholotsho FC yahwina mitambo miviri, ikaita mangange miviri ndokukundwawo mimwe miviri zvakare uye parizvino yakagara pechi8 palog.

Dynamos FC vs Chicken Inn
Mumitambo mitanhatu yatambwa kusvika parizvino, chikwata chaJoey ‘Mafero’ Antipas cheChicken Inn ndicho chiri kutungamira muligi chiine zvibodzwa 15 kubva mumitambo mitanhatu.

Pamitambo iyi yose, Chicken Inn yahwina mishanu, ikakundwa mumwe chete 2-0 neHarare City. Zvakadaro, mumitambo mishanu iyi yakaumburudza zvikwata zvinoti Flame Lilly, Tsholotsho FC, Whawha FC, FC Platinum pamwe neHow Mine.

Mafero mumwe wevarairidzi vagara mumutambo uyu uye akwanisa kutungamira zvikwata zvakawanda nekudaro anozviziva kuti haafanirwe kumhanya kupemberera kugara pamusoro pelog parizvino.

Chicken Inn svondo rino ine gomo guru rekukwira apo ichasangana neDynamos iyo iri kuitevera muligi palog.
Dynamos kana kuti DeMbare ndiyo yakagara pechipiri kubva pamitambo mitanhatu yayatamba.

Pamitambo iyi, DeMbare yakakwanisa kuhwina mina ndokuitawo mangange mimwe miviri yacho. Parizvino chikwata ichi chine zvibodzwa 14 nekudaro mumutambo wacho neChicken Inn chicharwa zvekudambuka makumbo segurwe.

DeMbare parizvino yaita mangange neCAPS United 1-1 uye neHarare City 0-0 ndokuzokunda zvikwata zvinoti Flame Lilly 1-0, Dongo Sawmill 1-0, Chapungu United 1-0 neBaffaloes iyo yarikitwa 3-0.

Mutambo weDeMbare neChicken Inn uchatambirwa kunhandare yeRufaro musi weSvondo.

Highlanders vs CAPS United
Highlanders ‘Bosso’ haina kunyatsotanga zvakanaka gore rino asi yave kuuya narwo parizvino zvichitevera kuhwina kwayakaita svondo radarika.
Vatsigiri venhabvu vanoziva Bosso chiri chikwata chinopisa-pisa uye izvi zvichada kuonekwa apo iri kusangana neCAPS United kana kuti Green Machine svondo rino.

Green Machine yakatanga mwaka wayo zvinonwisa mvura nekuhwina mitambo yayo yekutanga asi makakatanwa pakati pevatambi nevaridzi vechikwata ichi akaita kuti morari idzikire. Izvi zvakaona vatambi vachiramwa kutamba nhabvu neHow Mine zvakaita kuti vakomana vekumugodhi ava vabve vahwinha mutambo uyu 3-0.

Zvakadaro, Green Machine yakazozadzikisa mutambo wayo wakatevera weHarare Derby apo yakaita mangange 1-1 neDeMbare asi ndokuzorakashwa zvinopisa tsitsi 4-0 neTriangle FC.

Svondo radarika yakaita mangange 1-1 neZPC Kariba zvinoreva kuti inofanirwa kusunga dzisimbe apo iri kusangana neBosso.
Parizvino CAPS United yakagara pechi10 palog iine zvibodzwa 8 kubva pamitambo mitanhatu.

ZPC Kariba vs Flame Lilly
ZPC Kariba kubva payakapinda muPSL gore radarika iri kungotamba nhabvu inonwisa mvura.
Mwaka wadarika, yakanetsa kukundwa kwayo apo yakatamba mitambo 19 isina kumbobvira yakundwa.

Gore rino, mumitambo mitanhatu yayo yakwanisa kuhwina miviri, ikaita mangange katatu pamwe nekukundwa mumwe chete.
Zvichada kuonekwa kuti chikwata ichi chicharamba chichipisa-pisa here svondo rino apo chiri kusangana neFlame Lilly iyo yakapinda muPSL mwaka uno.

Mitambo iriko svondo rino:
Chishanu
FC Platinum Vs Tsholotsho FC, Mandava Stadium
Mugovera
How Mine FC Vs Whawha FC, Luveve Stadium
ZPC Kariba FC Vs Flame Lily FC, Gwanzura Stadium
Svondo
Highlanders FC Vs Caps United FC, Barbourfields Stadium
Buffaloes FC Vs Chapungu FC, Sakubva Stadium
Hwange FC Vs Dongo Sawmill FC, Colliery Stadium
Triangle United FC Vs Harare City FC, Gibbo Stadium
Dynamos FC Vs Chicken Inn FC, Rufaro Stadium

Share This:

Sponsored Links