Mapiritsi haadi zvemumikoto

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Mapiritsi haadi zvemumikoto

Kwayedza

SVONDO rino sangano rinoona nezvekudzivirira kupararira kweutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS, reNational AIDS Council (NAC) rine chinyorwa chakakosha zvikuru icho chinopa chenjedzo kune veruzhinji yekuti vasangotenge mishonga nemapiritsi zvinonzi zvinorapa zvirwere zvakasiyana iyo iri kutengeswa pose-pose.

Izvi zvinotevera kutekeshera kwaita kutengeswa kwemapiritsi nemishonga inonzi inorapa HIV neAIDS pamisika yemikoto semumigwagwa yemumaguta nemadhorobha.

Mishonga iyi iri kutengeswa zuva rakacheka nyika uye inosanganisira yechivanhu iyo inenge yakaiswa mumabhodhoro ane mvura inotopihwa munhu anenge aida achitotanga kunwa ipapo.

Sekutaura kweNAC, mishonga nemapiritsi zviri kutengeswa mumikoto izvi hazvina kuongororwa nesangano rinoona nezvemishonga yekurapa, reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ). Zvakakosha kuti mishonga yose pamwe nemapiritsi zvinoshandiswa kurapisa varwere zvitange zvaongororwa neMCAZ kuitira kuti zvionekwe kuti hazvina njodzi here kuutano hwevanhu.

Sezvo mishonga iyi iri kutengeswa pajekerere, zvinoita kuti vamwe vanhu vapedzisire vofunga kuti iri kutengeswa zviri pamutemo uye haina njodzi kuutano hwavo zvinova zvisiri izvo.

Mimwe yemishonga iyi zvakare inenge yakaputirwa nenzira yekuti kana munhu akaiona hapana chaanombofungira sezvo inenge ichiyevedza mumaziso. Semaonero edu, sangano reMCAZ rinofanira kutora matanho akasimba kune avo vari kutengesa mishonga iyi pamisika yemikoto.

Kutengeswa kwairi kuitwa pachena kunoreva kuti vari kuita izvi vatotambarara serunyemba. Asi kunyangwe riri basa reMCAZ rekurwisana nenhubu dzinotengesa mishonga yekurapa zvisiri pamutemo, zvakakosha kuti munhu mumwe nemumwe akoshese utano hwake.

Hongu, mishonga kana mapiritsi izvi zvinogona kunge zviine mitengo yakaderera asi pakupedzisira munhu anodemba utano hwake hwave panjodzi. Mimwe yemishonga iyi inenge ichinzi inorapa zvirwere zvakasiyana, kusanganisira HIV neAIDS, anove manyepo makuru nekuti pasi rose hapasati pawanikwa mushonga unorapa chirwere ichi. Uyewo zvine njodzi kuutano kuti munhu ari kunwa mapiritsi ekurapa chimwe chirwere ange achitora mimwe mishonga yakasiyana zvakare yakaita seyechivanhu.

Sekutaura kweNAC, kana munhu akaita izvi, chirwere chinonetsa kurapika izvo zvinogona kupedzisira zvakonzeresa rufu.

Ichokwadi kuti munhu wose kana achinge arwara anenge aine shuviro yekupora, asika izvi hazvireve kuti ingotenga mishonga nemapiritsi pose-pose.

Zvakakosha kuti veruzhinji vatenge mishonga nemapiritsi kunzvimbo chaidzo dzinotenderwa kutengesera veruzhinji mishonga zviri pamutemo dzakaita semapharmacy nekuti izvi zvemumikoto hazviponese asi kuti zvinotova nenjodzi kuutano. Mandikurumidzire anozvara mandinonoke!

Share This:

Sponsored Links