Mapiritsi haakutadzise kupinda denga

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Mapiritsi haakutadzise kupinda denga VaZvidzai Chiponda

Kwayedza

VaZvidzai Chiponda

VaZvidzai Chiponda

VAKURU vemakereke semafundisi vari kukurudzirwa kuti vasape dzidziso kana mharidzo dzinoshoropodza vanhu vari kunwa mapiritsi ezvirwere zvakasiyana, zvikuru maARV mumachechi vachivati vanofanira kupona nekutenda chete.
Vachitaura paMary’s Lutheran Church, kuChitungwiza nguva pfupi yadarika, national co-ordinator weInternational Network Religion of Leaders Living with HIV/AIDS, VaZvidzai Chiponda, vakati vamwe vakuru vemakereke vanombunyikidza vatendi kuburikidza nemharidzo inomhura vanenge vachinwa maARV.

“Vanhukadzi ndivo vari panjodzi huru nokuda kweHIV neAIDS mumakereke nokuti ndivo vakawanda nokudaro vamwe vafundisi nemaporofita vanowanikwa vachivarambidza kuenda kuzvipatara kunoongororwa utachiona hweHIV.

“Avo vanacho kare havabvumirwi kutora mapiritsi vachinzi vanofanira kutenda chete kuti Mwari vanoporesa uye ukanwa mapiritsi kuratidza kuti kutenda kwako kushoma.

“Izvi zvapa kuti chirwere chitadze kudzikira nokuti muchipositori murume anoita vakadzi vake hobho hapana anomubvunza apa kunoongororwa denda iri havaende.

Ukuwo kune vechiPentercost munhu anonzi kutenda chete chete ndiko kunoporesa chirwere.
“Zvino tingakunda sei isu tichiomeserana kudai?” vakadaro VaChiponda.

Chamangwiza weSAFAIDS, Mai Tariro Chikumbirike, vakatsinhira vachiti vatungamiri vemachechi ngavasape vanhu tariro inovakanganisa kuti vasanwe mapiritsi.

“Tinoti kuvakuru vemachechi ipai vanhu tariro pahosha iyi kwete kuvati vasanwe mapiritsi nekuti hakuna munhu ane kodzero yokuudza mumwe kuti asachengetedza utano hwake.

“Munhu ngaanwe mapiritsi uye zvidzidzo zvekudzivirira zvitaurwe mumakereke kana paine aponawo neminana, aiwa ndizvozvo asi mapiritsi munhu ngaanwe,” vakadaro.

Mumwe mudzimai aimbove muporofita weJohane Masowe, Mai Margaret Cement, vakati vakaonekwa kuti vaive neutachiona hweHIV muna 1998 ndokutanga kunwa mapiritsi.

Zvisinei, vanoti mumwe muporofita wepasowe ravaipinda akavati vainge vaton’ora nekuda kwemapiritsi avainwa ndokubva vambomira kuanwa dakara vazorwarisa.

“Ini ndakabatwa utachiona muna1998 ndokutanga kunwa mapiritsi asi mumwe muporofita akazozviziva ndokunditi handina denga randaizopinda ndainge ndan’ora uye kuti ndaive pfambi kunyangwe ndainge ndisina kumboita gumbo-mumba gumbo-panze.

“Ndakazombomira kunwa mapiritsi angu madzibaba ava vati vaizondishandira kusuka ropa rangu asi ndakaona ndotorwarisa ndikaita nhumbu mwana wacho akafa nokuti ndainge ndisisiri kunwa mapiritsi.

“Ndakapera kuonda ndikapotsa ndafa apo ndakazoita sarudzo yokubuda muchechi iyi ndokutanga kunwa maARV kusvika ndabata imwe nhumbu ndokuita mwana wangu uyo ainge asina chirwere. Iye zvino ndine vana vangu vana vakati gwindiri,” vakadaro Mai Cement.

 

Share This:

Sponsored Links