Maporofita akakonzeresa

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Maporofita akakonzeresa

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
MUMWE murume anonzi akada kudzika mukadzi wake demo mushure mekunge audzwa nemaporofita kuti mudzimai uyu ipfambi uye ane utachiona hweHIV. Portia Zvarevashe akamhan’arira murume wake, Garikai Mandikoshera, kudare reHarare Civil Court achiti anogara achimupopotera pamwe nekumutyisidzira achiti anoda kumuuraya.

“Changamire, ndinokumbirawo kuchengetedzwa kubva kuna baba ava sezvo vari kundivimbisa kundiuraya. Vakamboda kunditema nedemo mushure mekunge vaudzwa nemuporofita kuti ini ndinoita zvechifambi kana ndichinge ndaenda kunoshava kuJubheki (South Africa).

Maporofita aya akataura kuti ini ndine chirwere cheHIV nekudaro ndakange ndisisafanirwe kugara naye,” akadaro Zvarevashe.
“Takaenda tose kunotariswa ropa navanamazvikokota ndokuonekwa ropa redu rakachena. Ndakamuti saka maporofita ako akazviwanepi zvavari kutaura asi haana kukwanisa kudaira. Ndinoda kuti arege kundishungurudza kana anyeperwa nemaporofita ake.”

Achipawo divi rake, Mandikoshera akati akange audzwa nemaporofita ekuchechi kwake kuti mukadzi wake anoita zvegumbo mumba gumbo panze.

“Ini ndinoenda kukereke yepositori nekudaro ndakaudzwa kuti mudzimai uyu ari kuita chipfambi zvekare ave nechirwere ndokubva ndataura naye mune zvakanaka. Sezvo kwatinogara kusina magetsi, ndakatora demo ndichida hangu kutsemura huni iye ndokubva atiza, zvichida akafunga kuti ndaida kumutema asi kwete nekuti nyaya iyi kwandiri yakanga yatopera.

“Ichokwadi ndinobvuma kuti ndakange ndanyeperwa asi mudzimai ndomuda handichateedzeri zvemaporofita aya anga andiputsira imba,” akadaro Mandikoshera.
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Mandikoshera asaita mhirizhonga kana kushungurudza Zvaravashe nenzira ipi zvayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>