‘Maporofita ari nani pane kuchipatara’

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VANHU vaive mudare vakashamisika apo mumwe murume akange amhan’arirwa nemukadzi wake nenyaya yemendenenzi akati zviri nani kuti mwana wake ainzi ari kurwara aende kunorapwa kumaporofita sezvo kusingade mari yebhazi nezvimwe zvakawanda-wanda.

Irene Chitopa akamhan’arira Paul Dhamureta kuHarare Civil Court achiti anoda kuti mari yemendenenzi iwedzerwe.

“Ndinoda kubatsirwawo kuti ndikwanise kuwana mari yekuti ndiende nemwana kuchipatara nekuti izvozvi ari kurwara achipindurudza maziso achingochema asi chekufambisa nemari yekubhadhara ndizvo zvandisina sezvo kuenda kuchipatara kuchida kuti ndikwire motokari. Baba ava vaimbondipa $30 asi ndinoda kuti mari iyi ikwidzwe kuenda pa$120 kuti ndikwanisewo kuriritira mwana zvakakwana,” akadaro Chitopa.

“Ndakamuudza kuti ndoda kuenda nemwana kuchipatara paakanga achirwara akati uri kunyepa, unoda kundidyira mari dzangu, shandisa yandinokupa yemendenenzi iyoyo. Mari yacho yaari kundipa haiisi kukwana nekuti imwe yacho ndave kuda kuendesa mwana kukireshi. Dai zvaibvira dare randibatsira kuti baba ava vawedzere mari iyi nekuti havadi kana kubudisa yekuchengetedza utano hwemwana.”

Dhamureta akapikisana nemashoko aChitopa achiti:

“Vakuru vedare mukadzi uyu anoda kurapisa mwana kuzvipatara zvinodhura asi anoziva kuti ini wacho mari handina.

Yandiri kumupa mari iyoyo inokwana nekuti iye anonyatsozviziva kuti handina kwandinowana mari. Ndinoraramawo nekuita madhiri ekuti handingaudzi dare kuti ndinowana marii pamwedzi nekuti mumwe mwedzi unotosvika pakupera ndisina chandawana.

“Mwana handina kumurambidza kuenda kuchipatara asi ndakamuti amuendesewo kuzvipatara zvisingadhuri kana kuti kumaporofita nekuti pamwe zvekupindurudza maziso nekuchema zvaaiita yaiva mweya yetsvina kana vavengi vaida kumukanganisa. Kumaporofita kwacho kwakanakirawo kuti hakuzodi mari dzemabhazi dzaanotaura pamwe chete nemibhadharo yemakadhi nezvimwe.”

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

 

Share This:

Sponsored Links