Maporofita haadaro!

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Maporofita  haadaro!

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa pamwe nekunzwisa hasha – nyaya yemuporofita anoti akashandisira mwanasikana wake mhiko dzekuti arasike njere. Muporofita uyu anoti izvi akazviita mushure mekufungira kuti mwanasikana wake ainge opinda chitendero cheSatanisim nechinangwa chekuti azouraya iye baba vake nechinangwa chekuda kuita pfuma.

Nekudaro muporofita uyu anoti akazobatana nemumwewo muporofita pakuita mhiko dzava kupengesa mwana wake wekubereka.

Anoti chinangwa chekuti mwana wake arasike njere ndechekuti atadze kumuuraya sezvo anenge asisazive zvaanoita.

Muporofita, kupengesa mwana wake chaiye? Ko kuzoti mumwe munhuwo zvake? Izvi zvichiitwa nemunhu anozviti anoshanda nemweya waMwari!

Hakuna zvakadaro.

Nyaya iyi inonzwisa hasha nekuti chokwadi baba nyakutumbura vangasvike pakuita mhiko dzakadaro kumwana wavo?

Muporofita uyu anoziva sei kuti mwana wake anoda kumuuraya? Inga zvinonzi kufa murango waMwari, saka iye anotyei?

Mazuva ano kwawanda maporofita nen’anga vanotaura nhema vachirasisa nekuparadzanisa mhuri.

Svondo rapera chairo, Kwayedza yakaburitsa kekutanga nyaya yemurume wekwaSeke, uyo anoti akadya tsvina yaakamanikidza mukadzi wake kuti aite. Hanzi ndizvo zvandakaudzwa nemuporofita nen’anga kuti mukadzi wangu asaite zvikomba. Svondo rino murume iyeyu tinayezve achiti akazopamha kudya tsvina yemutorwa kuzadzikisa mhiko idzi. Zvose izvi zvichibva kun’anga nemaporofita venhema.

Izvi zvoga zvinoratidza kuti hazvina huchenjeri, kungotevedzera zvose zvinenge zvataurwa nevamwe vanhu vanozviti maporofita kana n’anga.

Semuporofita wekuti akapengesa mwana wake uyu, chaanoti ari kunamata chii? Mwari wepi anoita kuti munhu aite mhiko dzekuti mumwe apenge? Handiti ndiwo mabasa aSatani here aya!

Vanhu ngavarege kutamba nezita raMwari kusvika pakadai!

Bhaibheri rinoti kana munhu akatadzirwa, kudzorera ndekwaMwari. Zvino kana munhu odzorera chitadzo nechimwe chitadzo anenge asiri kuzviita “kamwari” kadiki here?

Izvi zvimwe chete nemamwe maporofita anoti anokwanisa kudzorera zvinhu zvehuroyi zvinenge zvichikuvadza vamwe vanhu kumuridzi wazvo kuburikidza nenzira ye”back to sender”.

Hakuna chinamato chakadai uye mazuva ano zvave kunetsa kuziva musiyano uripo pakati pemuporofita nen’anga nekuti mashandiro acho mamwe chete. Zvakadai, chimwe chinorwadza panyaya yemuporofita wekuti akapengesa mwana wake ndechekuti pari zvino mwanasikana uyu anonzi ari kungotetereka nenyika. Muporofita uyu haarwadziwe here?

Muporofita uyu ndiye zvakare anoti akapomba nevakadzi vevanhu hobho nefararira uye aimbova gororo remakoko.

Zviri pachena kuti haasati arege mabasa ake akaipa sezvo achiti akapengesa mwanasikana wake.

Mwari anotsvaga anomunamata mumweya nemuzvokwadi, kwete zvekuda kubata vanhu kumeso nekutsvaga mbiri chete.

Share This:

Sponsored Links