Uncategorized

Maporofita havabhadhare: N’anga

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
N’ANGA yekuEpworth, muHarare iri kuchema-chema pamusoro pemaporofita ane mukurumbira ayo ainoti vanoenda kwairi vachida mishonga yekuzvisimbisa asi vasingazode kuibhadhara muripo sezvavanenge vawirirana.

Mbuya Estery Dambudzo vekuStopover vanoti vari kufira mafufu segonzo sezvo paine maporofita avanoshandira, asi pashure votadza kuvabhadhara.

“Ndiri panguva yakaoma nekuti mamwe emaporofita ari kuita mbiri vachiita mazimari vanongouya vachitora mishonga yangu asi vasingabhadhare. Maporofita matatu aya ndevanoti, Madzibaba nhingi nanhingi na. . . (mazita tinawo). Havana tsitsi neni.

“Fanika mumwe wacho ane mukurumbira mukuru asi akaomera zvekuti dhu-u. Mari shoma yandinowana inotobva kuvasikana vekumabhawa nemadzimai avo vandinopa mishonga yekudziisa muviri neyekudzora sikarudzi,” vanodaro.

Mbuya Dambudzo — avo vanova chizvarwa chekuMozambique —vanozviti inhengo yesangano reZinatha uye vanosvikirwa neshavi renjuzu.

“Kana ari mumwe muporofita, ari kuita mari asi haadi kundibhadhara mishonga yangu zvisinei nekuti anowana vanhu vakawanda kumasowe kwake. NdeveJohane Masowe Yenguwo Tsvuku, saka mishonga vanobata havo.

“Asi ndinongovatenda nekuti pamwe pacho vanombonditumirawovanhu vanobva kuchechi kwavo kuti ndivabatsire pano,” vanodaro Mbuya Dambudzo.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vazhinji vemaporofita vanotora mishonga yangu vanongondisiira ma$2 chete, saka hazvibatsire kana ndichitarisa kunetsa kunoita kuchera mishonga – miti yave mishoma. Mimwe mishonga ndinonotora kuZambia chaiko.

“Iko zvino havachanyanyi kuuya kuzotora mishonga nekuti vava nevanhu vakawanda asi isu n’anga tichidya nhoko dzezvironda – vanhu vachingowanda kumakereke kwavo, mishonga yangu ichingovashandira.”

Mbuya Dambudzo vanoti vanoshandisa zvakare dehwe remupurwa kana kuti chitsamba mukurapa kwavo.

Vanotizve mumwe wemaporofita vane zvikwereti navo (zita tinaro) akamitisa kamwe kasikana kasati kabva zera asi iye aine mudzimai.

“Madzibaba nhingi vakamitisa kamwana. Mwana wekumitiswa uyu (zita tinaro) ari kurojerwa kuMabvuku. Takazongonzwa naiye muporofita uyu ouya kwandiri achiti mimba yacho yabva.

“Tinonzwa kuti madzibaba uyu akatenga piritsi rekubvisa pamuviri kune mumwe chiremba ari kuChitungwiza, nhumbu ikabvisirwa mumba, hameno kana chiri chokwadi,” inodaro n’anga iyi.

Pasi pemutemo wenyika ino, imhosva kungobvisa mimba, kupinda pabonde kana kuroorana nemwana ari pasi pemakore 18 okuberekwa.

Mbuya Dambudzo vanoti mwana anonzi akapihwa piritsi iri apo rakaiswa muchinwiwa achinzi muteuro.

“Zvekubvisa mimba yemwana izvi handina huchapupu nazvo asi chokwadi ndechekuti kune maporofita vane zvikwereti zvangu nekuti ndinovashandira nemishonga yangu.”

Mbuya Dambudzo vanoti ivowo vakaroorwa vaine makore 13 okuberekwa ndokubara vana 13 pasina matambudziko, izvo zvakaita kuti vakundikane kuenderera mberi nedzidzo yavo.

Mumwe wevanakomana vavo, Dan Dambudzo anonzi aimboita zvemabhidhiri apo aipupura zvemanyepo achibhadharwa mari nemumwe muporofita ane mbiri muHarare. “Dan akaenda kusowe uku akanogerwa ‘dread’ raaiva naro achinyepera kuti atendeuka asi zvakazonetsana ikoko nekuti ainge asina kubhadharwa mari yake. Manonoka kusvika, kudai mawana ari pano maityoka mbabvu nekuseka achikutsanangurirai. Anzwa nekuronda mari dzake kusowe iri,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kukurukura naDan sezvo nhare dzake dzakanga dzisiri kubatika panguva yekudhindwa kwebepanhau rino.

Share This:

Sponsored Links