Uncategorized

Maporofita otenga vanhu kuti vapupure nhema

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Maporofita otenga vanhu kuti vapupure nhema

Kwayedza

. . . voita mari nemabhidhiri ‘. . . sewe Mapupu uchafa nepfuti’

Kingstone Mapupu —

MAPOROFITA nen’anga vane mukurumbira munyika muno vari kupomerwa kushandisa vamwe vanhu — avo vavanobhadhara —kuti vaite “mabhidhiri”, kunova kureurure kana kupupura zvemanyepo senzira yekutsvaga mbiri kuti vagonzi vanogona kushandira nekubatsira veruzhinji mumatambudziko akasiyana.

Kwenguva ingangokwana mwedzi, Kwayedza yanga iri pakati pekuongorora nyaya yemabhidhiri mushure mekunge yanyeverwa nezvemaporofita — vekumasowe nevemachechi — nen’anga avo vanonzi vari kushandisa vanhu kureurura zvenhema mushure mekunge vatengwa kana kubhadharwa.

MASANGO

Zita rekuti mabhidhiri rinobva pakuti munhu anopihwa mari yekuti azoita seagarwa nemweya apo anenge ari pamasowe, muchechi kana kun’anga, otanga kubhidhirika-bhidhirika achireurura zvenhama sekuzviti muroyi wemakoko, ipfambi, ane zvikwambo kana mimwe mishonga yakaipa.

Mumakore mashoma achangodarika — kunyanya gore ra2017 — kune maporofita, ma’prophets’ nen’anga vanonzi vaita mukurumbira zvose nemari nekuda kwemanyepo aya.

Mukubuda kwenyaya yehuwori iyi, maporofita nen’anga vanonzi vanotsvaga vanhu vavanoronga navo, vovapa mari avo vanozouya kungave kumasowe kana kuchechi vachiita sevane matambudziko apo vanobva “vazobatsirwa” mushure mekunge vambobhidhiritswa nemweya kana kuti shavi.

Izvi zvinenge zvichiitirwa kuti veruzhinji vagofunga kuti muporofita uyu kana n’anga vane simba raMwari asi iwo ari manyepo sezvo vanenge vachibata vanhu kumeso.

Nguva yadarika, pane mumwe muporofita wemuHarare ane nyaya yakabuda munhau apo akaendeswa kumatare edzimhosva nevarume vaviri nemadzimai maviri avo akange asina kupa mari yavo mushure mekunge avashandisa.

Muporofita uyu anonzi akaronga nevarume nemadzimai aya kuti vasvike pasowe rake panguva yehusiku vachiita sevaroyi uye vari musvo nechinangwa chekuti vanhu vaivepo vogoti ane simba rekubata varoyi.

Vakadzi nevarume ava vakaita sezvavakange vawirirana asi nyaya iyi yakazobuda kuti raive bhidhiri apo vakatanga kunetsana, muporofita uyu ave kuramba kuvapa muripo wavo izvo zvakazoita kuti nyaya isvike kumatare edzimhosva.

Kumisha inogara vazhinji muHarare sekuEpworth, Mbare, Mabvuku, Dzivarasekwa, Kuwadzana, Mufakose, Budiriro nemimwe kunonzi ndiko kune vamwe vevanhu vari kubvuma kubhadharwa kuti vaite mabhidhiri.

Mai Sibongile Mabuto (38) vekuEpworth vanotsinhira nyaya yekutengwa kwevanhu nemaporofita nen’anga vachinoita sekunge vabatwa nemashavi.

“Nyaya yemabhidhiri yashupa munyika muno nekuda kwemachechi awandisa aya. Nekuoma kweupenyu, vamwe vanhu vari kutengwa vachinzi vanozviita varoyi, pfambi, vamwe vachibatwa nemweya yehumbavha nezvimwe zvekunyeba. Vanotakurwa vachiendeswa kwavanononyepera vanhu vakaungana — kumasowe, kuchechi kana kumapira echivanhu, mushure mekunge vapihwa mari.

“Mari dzekuita izvi dzinotangira pa$20 zvichikwira — zvinoenda nekugona kwako kunyepera kubatwa nemweya inonzi ndeyetsvina,” vanodaro Mai Mabuto.

Vanhu ava vanonotorwa kunzvimbo dzakasiyana semumaguta, kumaruwa, kumapurazi nekumigodhi uye vamwe vacho havakwanise kuramba sezvo vanenge vachida mari nekuda kwehurombo.

“Sekuno kuEpworth, vanhu ava vanounganidzwa pedyo neimwe chechi iri kuDomboramwari uko vanosarudzirwa kubvira pane vanozonobhidhirika vachizviita varoyi, pfambi nevanenge vakabatwa nemweya yengozi. Izvi zvinoitwa musi weChipiri, China, neSvondo vachibva vapihwa imwe mari yekutanga kuita basa. Ipapo vanodzidziswa zvavanonzi vanoita uko vanoendeswa kune dzimwe dzimba dzakavandika muno muEpworth,” vanodaro Mai Mabuto.

Mudzimai uyu anoti nyaya iyi iri kutadzisa vanhu kunamata uye vamwe vari kubirwa mari dzavo nemaporofita nen’anga vachifunga kuti vanhu vanobatsira kuburikidza nekuona vaye vanenge vatengwa vachibhidhirika nemadhimoni.

“Ngatitsvagei Mwari kwete kunyepera vanhu seizvi! Kune vari kutengwa ava nemaporofita acho, ndinoti vachatongwa naMwari nekuda kwemaitiro akadai,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Esnath Manzou (59) vekuEpworth kwakare vachiti veruzhinji havafanire kungotenda zvose-zvose zvinoitwa nen’anga nemaporofita sezvo vazhinji vavo vari matsotsi anongotsvaga kurozva veruzhinji.

“Nyaya yemabhidhiri yanetsa munyika muno, zvikuru kuno kuEpworth. Vanhu vave kuda mari zvakanyanya. Munhu anoenda pamasowe pazere vanhu obvarura mbatya kusara ari musvo achiti akabatwa neshavi, iye apihwa mari?” vanodaro.

OTILIA DHEKA

Madzimai Otillia Dheka (47) vanobva kwaGutu — asi vachigara kuEpworth uye vachipinda chechi yeJohane Masowe weChishanu — vanoti nyaya yevanhu vanotengwa nemaporofita yakurumbira zvikuru.

“Tinonzwa kuti zviri kuitika kumamwe machechi evanhu vanotsvaga mukurumbira nemari,” vanodaro.

Vanoti vanonzwawo zvakare kuti nyaya dzemabhidhiri dziri kuitika kuShamva, kuMashonaland Central uko kunonzi kune muporofita anotenga vanhu kuti vanyepere kubatwa nemamhepo pasowe pake.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nevagari vekunzvimbo dzakasiyana dzinoti Glen Norah, Glen View, Budiriro, Highfield, Mufakose neWaterfalls muHarare nevekuNorton avo vose vari kutsinhira nyaya dzemabhidhiri.

Vachipindura mibvunzo pamusoro penyaya iyi, Madzibaba Strive Masango (30) vechechi yeKubata kwaVapositori iri kuRugare, muHarare vanoti nyaya yemabhindiri iri kutaurwa zvikuru.

“Nyaya iyi iri kutaurwa nezvayo, hanzi kune vanhu vanotengwa nemamwe maporofita nen’anga kuti vaite mbiri. Asi shoko rakataura kare kuti maporofita enhema achavako saka vanhu ngavangwarire,” vanodaro.

Madzibaba Masango vanoti pasowe ravo pakambofambawo mashoko ekuti pane mudzimai akabvisa mbatya vachimubatsira uyo aiva neshavi rehuroyi vachinzi vainge vamutenga, izvo vanoti mashoko anobva kuvavengi nevane godo.

“Isu tinoita zviri mumagwaro echinamato sezvatinoita zve’back to sender’ anove mashoko anowanikwa mugwaro raExodus 22 verse 18 pamagwaro anoti, ‘Usasiye muroyi achirarama’.

“Nyaya idzi dzinobva mukurwisana kwedu semaporofita sezvamunoitana imi vatori venhau. Sewe iwe Mapupu, upenyu hwako huri parumananzombe, uchafa uchipfurwa nepfuti nekuda kwenyaya idzodzi. Rufu rwako rwuri padyo-padyo wena, kana uchifamba netsoka tenga motokari nekuti uri kugara uchiteverwa mumakombi aunoshandisa.

“Fanika Tilda (Karizamimba) naNdumiso (Dube), (vashamarari venhepfenyuro yeStar FM)

naAaron Nyamayaro (munyori weH-Metro) zvakatoipa, munovengwa nevamwe venyu plus munonzi munosimudza mamwe maporofita vamwe movapunzira pasi,” vanodaro Madzibaba Masango.

Vanoenderera mberi: “Nyaya yamatanga iyi (yekufumura mabhidhiri) ine makuva, dzimwe nyaya dai muchisiya mhani! Fanika isu tinobuda kuredhiyo tiri pa’tight’ nemamwe maporofita. Inyaya yagara iriko vanaJudas Iscariot havapere.”

Madzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko vanoti nyaya yekuti kune maporofita anotenga vanhu yagara ichitaurwa kubva kare.

“Zvinogona kunge zvichiitika kana kuti zvisingaitike. Asi nyaya huru pane kurwisana kukuru mukati memaporofita nen’anga pachitsvagwa kusvibisanwa. Asika, anomakwa ndiye ane bhora,” vanodaro.

Sekuru Kamwelo Banda, n’anga yemuHarare, vanoti nyaya dzemabhidhiri dzinoshoresa basa remaporofita nen’anga.

Madzibaba Cresby, Christopher Mutsenhu (40) vechechi yeJohane Masowe weChishanu Nyenyedzi Nomwe vanobva kuSuswe kwaMutoko asi vachinamatira kuMbudzi, muHarare vanotsinhira nyaya yemabhidhiri vachiti kune maporofita anotenga vanhu kuti vapupure nhema nekubatwa nemweya yekunyepera.

“Ndinoti kumaporofita takaburutsirwa mweya kuti tibatsire vanhu kwete kuvabira, tikaita izvozvo zvekuda pfuma ticharangwa naMwari,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwawo naMadzibaba Mossy Konje (39) vekuHopley, muHarare vachiti nyaya dzemabhidhiri dzanyanya.

Ukuwo VaFridayi Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu nevemakereke, vanoti avo vanonyepera vanhu vanofanirwa kutorerwa zvitupa zvebasa.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaGeorge Kandiyero, mukuru wesangano reZinatha, vachiti maporofita nen’anga vanobira vanhu nechikiribi vanofanira kurangwa.

Makore adarika, madzimai maviri ekwaChihota – Elnet Mbewe naChristine Nyamupandu – vakabuda pachena kuti vainge vabhadharwa kuti vazviite varoyi pamba pemumwe muporofita kuBudiriro, muHarare – izvo muporofita uyu anoramba.

Vaviri ava vanoti vaive vavimbiswa mari yakawanda nemotokari nemuporofita uyu.

Mbewe naNyamupandu vakazomiswa mudare ndokubatwa nemhosva yekupfeka zvisina hunhu paruzhinji nekuda kwekuti vainge vasina kunyatsopfeka pazvakaitika.

. Tiudzei zvamunofunga nenyaya ino pa: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey