Maporofita rudzii anoita zvakadai?

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Maporofita rudzii anoita zvakadai?

Kwayedza

MAZUVA ano pane nyaya dzakawanda dziri kubuda pamusoro pemaporofita nemafundisi vari kutsaudzira mubasa ravo izvo zvinoita kuti vapedzisre vave kuita chehupombwe.

Maporofita kana mafundisi ava vari kuita chehupombwe nemadzimai akawanikwa kana kuti nevamwe vanhukadzi vavanenge vachinamata navo kana kubatsira.

Semuenzaniso, svondo rapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe mufundisi wechechi yeSalvation Army wekuMhondoro uyo ari kupomerwa kumitisa musikana wemuchechi iyi uyo aimushandira.

Svondo rino zvakare tine nyaya yemuporofita ari kureurura kuti aiva mbavha uye pfambi yemakoko.

Sekutaura kwemuporofita uyu, anoti akamitisa madzimai evanhu akawanda uye mumwe acho anotova nevana vake vaviri asi achigara nemurume wake uyo asingazive kuti ari kuchengeta vana vegombarume.

Chinorwadza panyaya iyi ndechekuti murume ane mudzimai akamitiswa nemuporofita uyu hapana zvaanoziva uye ari kutoshingaira kuchengeta vana ava achiti ndevake.

Zvakaitwa nemuporofita uyu hazvina kumbosiyana nehuroyi.

Iyewo mudzimai akamitiswa nemuporofita uyu inzenza yekupedzisira zvisinei nezvikonzero zvakaita kuti vadanane.

Muporofita uyu anotiwo mamwe maporofita akawanda imhombwe uye vanofanira kutendeuka.

Zviri kutaurwa nemuporofita uyu hazvishamise nekuti bhaibheri rinodudzira kuti nemazuva okupedzisira hunyengeri huchawanda uye vanhu vachave nemufananidzo bedzi wekunamata Mwari asi vakarasa simba rake kare-kare.

Muporofita uyu anotiwo aive gororo remandiriri izvo zvakamuona achinogara mujeri mushure mekunge asungwa. Tinovimba achaaregedza mabasa erima aya, sekutaura kwake.

Mune imwezve nyaya yatinayo svondo rino, mumwezve muporofita ari kunzi akazonwiswa weti nevemhuri yemukadzi wemunhu waaidanana naye. Izvi zvinotevera kubatwa kwainge kwaita muporofita uyu nerunyoka.

Asi chinoshamisa ndechokuti muporofita wekuDomboshava uyu haasi kumbonyara nekatsika kake, anotoganza achiti hazvina basa uye zvinoitika.

Uyu muporofita haatombonyara hunzenza hwake zvekuti paanotaura neKwayedza, anorutsa mashoko anonhuwa kusanganisira zvinyadzi.

Vanomutevera hameno kuti vanonamata chirudzii!

Kune nyaya dzakawanda dzevanhukadzi dzinogara dzichibuda munhau avo vanodanana nemaporofita nemafundisi kana kutobatwa chibharo.

Asi chinokahadzisa ndechekuti zvisinei nekubuda kwenyaya idzi, vamwe vanhukadzi havadzidze nekuti vanoramba vachingorumwa nekuchekuchera apo vasingaregedze kuenda kumaporofita aya.

Pakurarama nemagariro evanhu, chechi inoonekwa sebako reutiziro kubva kumatambudziko anenge achisangana nevanhu. Muchidimbu, chechi kana kuti kereke yakafanana nemunyu nekudaro inofanira kurunga nyika.

Asi kana munyu usisarunge unenge usisina basa.

IChechi ndiyo inofanira kupa chiedza kune vakadai.

Zvino kana kukereke kuriko kwave kunyanya rima vanhu vanobva vashaya shumo yazvo!

Share This:

Sponsored Links