Mapupu akarwiswa nemahwindi

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Mapupu akarwiswa nemahwindi Kingstone Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Kingstone Mapupu

MUTORI wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, akarwiswa nembavha dzemahwindi ndokukuvadzwa pamwe nekubirwa mari paMbare Msika manheru emusi weChishanu svondo rapera.Izvi zvakaitikira panokwirirwa mabhazi anoenda kuBeitbridge nekuSouth Africa apo Mapupu aikwidza mudzimai wake bhazi.

Mapupu akarohwa muviri wose nezvibhakera nebhutsu netsvimbo uye akakuvara ruwoko zvikaita kuti anorapwa kuchipatara.

Pakaitika izvi kunzwe kwainge kusati kwanyanya kusviba nguva dziri kuma7:30 pm apo aiperekedza mudzimai wake kunokwira mabhazi kuenda kuSouth Africa.

Paakasvika panokwirirwa mabhazi aya, vakatambirwa nemahwindi angada kusvika gumi avo vakatanga kumudhonza nemudzimai wake vachiti vapinde mumabhazi maviri aivepo. Panguva iyi, mahwindi aya aidhonzawo mabhegi avainge vanawo.

“Amai huyai mupinde mune iri, imi mudhara huyai mupinde mune rangu rava nevanhu,” aidaro mahwindi aya.

Mahwindi aya akazoramba achiwanda apo vamwe vakatanga kupinza mawoko avo muhomwe dzaMapupu, vamwewo vachiedza kubvuta bhegi raaive akabata.

Mai Mapupu vakazosundirwa mune rimwe bhazi raivepo apo Mapupu akasara achidhonzwa nemahwindi aya kubva pabhazi vachienda naye chinhambwe chemamita makumi maviri uko kwainge kuine rima.

Mutori wenhau uyu akarohwa nemahwindi aya vachiti vaida mari kubva kwaari.

“Mudhara hatimbokusiya, buritsa mari uende. Ungade kufira mari? Pane paungaende kuSouth Africa usina mari here?

‘‘Ndokucheka nebanga iri,” akadaro mumwe murume mutete aiva akapfeka skipper chena. Banga iri rakaburitswa mutori wenhau uyu achiona achisikizwa padumbu apo mumwe wematsotsi aya aiedza kumudzipa.

Mapupu akazotorerwa $50 yaive muhomwe yeshati yake pamwe nemabussiness cards ekubasa.

Mutori wenhau uyu akazonunurwa nemumwewo murume uyo akamutora ndokuenda naye kunomupinza mune rimwe bhazi raivepo matsotsi aye ndokuparara.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuMbare ndokuvhurwa dhoketi rine nhamba dzinoti RRB2838030.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

“Mahwindi ane tsika yekudhonza vanhu kuvaisa mumabhazi avo zvisingabvumirwe, vanosungwa uyewo munyaya iyi yekuti pakazoita kubiwa kwemari, kurohwa kwemunhu nekunongedzerwa banga inyaya hombe inofanirwa kuferefetwa vanhu ivava vosungwa,” vanodaro.

Nguva pfupi yadarika pane mudzimai aive nepamuviri uyo akafa mushure mekunge adhonzeranwa nemahwindi kuMbudzi apo aida kukwira bhazi kuenda kuSouth Africa.

 

Vaverengi, imbotiudzai zvose zvamuri kuitwa nemahwindi pamunofamba. Munofungei nazvo? Tumirai panhamba dzinoti 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links