Uncategorized

Mapurisa akabatsira mapatya

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

BOKA remapurisa echidzimai kuchikamu chePolice Protection Unit (PPU), reWomen’s Network, rakaita mushandirapamwe wekubatsira mapatya emumwe mupurisa avo vakasunungukwa vakabatana mimwe mitezo yomuviri (siamese twins).

Mapurisa aya akakwanisa kuunganidza mari inosvika US$636, zvekudya, mbatya dzevana nezvimwe zvakawanda izvo vakatambidza kuna Constable Zvikomborero Mamombe nemudzimai wavo, Margaret Mwondoka (33) svondo rapera.

Mapatya aya, Tinogamuchira naTinodaishe, ave nemwedzi miviri aberekwa kuKaranda Mission Hospital.

Vana ava vakaberekwa vaine nhengo imwe chete yechirume, makumbo matatu, mawoko mana asi vasina nzira yekuburitsa nayo tsvina. Mai Mwondoka vakaitwa zvekuvhiiwa panguva yekusununguka uye mapatya aya akavhiiwa zvakare apo chiremba akange achigadzira nzira yekuti vakwanise kurasa nayo tsvina.

“Ndakaziva kuti ndakange ndakatakura mapatya erudzi urwu nhumbu yangu payakange yave nemwedzi mitanhatu nekuti ndipo pandakaitwa sikani (scan) asi handina kuda kuti pange pachibviswa sekuyambirwa kwatakange taitwa nemachiremba. Zvimwe zvinhu zvese zvakanaka kubvira kumusoro, mawoko, moyo asi kuti vari kushandisa dundira (bladder) rimwe chete.

“Tsvina vari kuita nepamaburi avakaitwa oparesheni asi pavachazopatsanurwa mumwe nemumwe achange ave nenzira yake yekuzvibatsira uye makumbo vane maviri anoshanda nerimwe retatu risina zvarinoshanda,” vakadaro Mai Mwondoka.

Vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwepurema kuitira kuti vakwanise kufamba nevana ava zviri nyore uye twumabhegi twavanopfekedzwa twekuti vana vange vachirasira tsvina sezvo tsvina yavo ichigona kungobuda.

“Machiremba akati vana ava vachavhiiwa kuti vapatsanurwe kana vachinge vakwanisa mwedzi mitanhatu yekuberekwa.

“Saka ini ndiri mudzimai anoenda kunohodha kunze kwenyika ndichitengesa nokudaro kudai ndawana purema nemikaka yemumagaba zvaizobatsira munhu anenge achisara nevana ava panguva iyo ndinoenda kunohodha,” vakadaro.

Const Mamombe vakati vanotenda zvikuru nekubatsirwa kwavakaitwa nevamwe vavanoshanda navo. Muenzi mukuru pachiitiko ichi, Superintendent Monica Mahachi, avo vanove sachigaro wePolice Protection Unit Provincial Women’s Network, vakati seboka remadzimai vakavewo nemoyo wekubereka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey