Mapurisa akasungirwa huwori muKwayedza

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Mapurisa akasungirwa huwori muKwayedza

Kwayedza

Tendai Rupapa —
MAPURISA matatu anoshandira kuchikamu cheConstabulary kuChitungwiza vakamiswa mudare vachipomerwa mhosva yekureva $30 semari yechiokomuhomwe kubva kumutori wenhau weKwayedza aida kunyora nyaya yemumwe murume aipomerwa mhosva yekuita makunakuna.

John Chigaba (38), Patrick Nyamutongowa (26) naHillary Masaraure vanonzi vakabvarura zvinyorwa zvemushandi weZimpapers Muchaneta Chimuka uyo anove munyori weKwayedza zvaive mu- notebook ndokubva vazvitora.

Vasungwa ava vanonzi vakatanga kureva $30 vachiti vakanga vamupa mukana wakanaka wekuti akurukure nemurume aipomerwa mhosva yemakunakuna.

Vaviri vevasungwa ava vanonzi vakasvika pakuenda kuHerald House muHarare uko vakanosangana nemupepeti weKwayedza Patrick Shamba uyo vanonzi vakataurira kuti vakanga vasiri kuzodzosa zvinyorwa zvaChimuka kana vachinge vasina kupihwa $30. Chigaba, Nyamutongowa naMasaraure vakamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Magistrates’ Courts — Ruramai Chitumbura — vachitarisana nemhosva yekureva mari yechiokomuhomwe.

Vakapihwa bhero re$50 pamumwe nemumwe wavo vakanzi vazodzoka kudare nomusi wa17 Gumiguru.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akaudza dare kuti nomusi wa13 Gunyana, Cathrine Zenda akaziva kuti murume uyo akange ari kunzi ndisekuru vake kwemakore mazhinji ndiye aive baba vake nyakutumbura.

Anonzi akabva aenda kunobvunza Austin Zenda anova hanzvadzi yaamai vake nezvenyaya iyi yekuti iye (Cathrine) akazvarwa nenzira yemakuna-kuna akaitwa pakati paAustin naamai vake.

Senzira yekuti varegedze kusungwa, Austin nehanzvadzi yake vanonzi vakange vaita kuti nyaya iyi isabude pachena kune veruzhinji.

Zvakadai, Cathrine anonzi svondo rapera akasvikobvisa hembe dzose pamberi paAustin senzira yekuratidzira zvinova zvakakahadzisa vanhu vazhinji vemuChitungwiza kusanganisira mapurisa aiva paChitungwiza Police Base vanova vakaendawo kunoona chiitiko ichi nekuita ongororo. Chigaba anonzi akazotaurira Chimuka nezvenyaya iyi achibva amhanya kukamba yemapurisa uko ainge adaidzwa.

Mapurisa matatu aya anonzi akabvumidza Chimuka kuti ataure nevanhu vaive munyaya iyi asi ndokuzoti vaida $30 yechiokomuhomwe kubva kwaari vachipa chikonzero chekuti vakanga vamuwanira nyaya. Apo Chimuka akange ari kunyora zvaitika panzvimbo iyi, Masaraure anonzi akabva atora bhuku raChimuka ndokubvarura mapeji ayo akange anyora nyaya iyi.

Chimuka anonzi akabva abva panzvimbo ndokunotaurira mukuru wake webasa Shamba nezvenyaya iyi.

Muzuva rakatevera, Chigaba naNyamutongowa vanonzi vakatora mapeji aya akange abvarurwa kubva mubhuku raChimuka kubva kunaMasaraure vachibva vaenda kuHerald House uko vakanosangana naShamba. Zvinonzi vaviri ava vakati pasina kupihwa $30 vakange vasiri kuzobudisa zvinyorwa zvaChimuka.

Shamba anonzi akazofonera mumwe wevakuru vemapurisa achivazivisa ne- zvenyaya iyi anova akabva atuma matikitivha kuHerald House vachibva vasunga vaviri avo vakange vakamiririra mari “yavo”.

Vakabva vadura mumwe wavo wetatu. — The Herald.

Share This:

Sponsored Links