Uncategorized

marabha ava mupositori

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
marabha ava mupositori

Kwayedza

—  ‘Kurwara kwandizivisa Mwari’ l Akarohwa kupfambi: Kapfupi

Kingstone Mapupu —
MUIMBI uye ari shasha pamitambo yemusara (dhirama) — Charels Milisi “Marabha” Muparume (36) — anoti akatendeuka kuva mupositori zvichitevera matambudziko aari kusangana nawo.

Marabha anoti kurwara kwamuita kuti azive Mwari.

Kwayedza svondo rapera yakaburitsa nyaya yaMarabha achipomera mumwe waaimboimboshanda naye, Freddy “Kapfupi” Manjalima, achiti ari kumurovesa nezvidhoma.

Zvisinei, Kapfupi ari kurambisisa zvaari kupomerwa naMarabha achiti haana chekuita nehurwere hwake asi kuti “Marabha anogona kunge pfungwa dzake dzasangana neropa”.

Marabha anoti ave kupinda chechi yeHoly Baptised Apostolic Church of Christ in Africa iri kuSally Mugabe Heights, iyo inotungamirirwa naBishop Susan Ziki Dube (54).

Nemusi weChishanu svondo rapera, Kwayedza yakawana Marabha nemudzimai wake, Susan Makumbirofa (27), vachitova pakati pevamwe vanamati pamasowe uye vakapfeka magemenzi.

“Ndaziva Mwari nekuda kwehurwere nezvidhoma zvaindizvambura. Ndatova right ini, ndine mukadzi wangu pano nemwana. Tose tave kupinda chechi,” Marabha akaudza Kwayedza achisekerera, izvo zvaiburitsa zivende raanaro.

Makumbirofa anotsinhira murume wake achiti: “Patakasvika kuno, mweya uyu (waisvika pana Marabha) wakahakira ndokutanga kuedzesera kuridza magitare nekutamba zvavanoita kumabhendi kwavo. Asi zvidhoma izvi zvakazoofumurwa, zvikaenda.”

Bishop Dube vanotsinhirawo nezvekupora kwaMarabha uye vanoti Kapfupi akavaridzira nhare svondo rapera achivavhundutsira kuti sei Marabha ari kutaura zita rake achiti ane chekuita nehurwere hwake.

“Kapfupi akandiridzira nhare, handizive kuti akapihwa nani nhamba dzangu. Ati anoda kundisungisa kuti sei Marabha ari kutaura zita rake. Handizive kuti mhosva yangu ndeyei, ini ndakamuti mweya uri kubuda pana Marabha ndiwo uri kutaura zita rake, kwete isusu,” vanodaro.

Zvichakadai, Kapfupi anoramba kuti akaridzira Bishop Dube nhare achivavhundutsira. “Nyaya yavanotaura iyi handiizive. Asi nyaya yangu huru ndeyekuti Marabha kana achipenga ngaapenge mushe, handina huroyi kana zvidhoma sezvaari kutaura.

“Ngaataure nyaya yake zvakanaka. Musoro wake akatemwa ari kupfambi akakuvara. Ndizvo zvave kuita kuti ahumane, kupenga uku,” anodaro Kapfupi.

Marabha anoti akarohwa nematsotsi nguva yadarika akakuvara musoro zvikaita kuti agare muchipatara kwemasvondo matatu.

Share This:

Sponsored Links