Mararamiro aiitwa kare

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
KANA bvunzo rapedzwa kunyorwa muzvikoro varairidzi vegwaro rechinomwe vanotarisirwa kuti vagadzire chinyorwa chinoburitsa zvichaitwa nevana apo vanouya kuchikoro vakamirira goho ravo iro rinowanzouya gore ronopenderwa. MuchiRungu inonzi “post exam time table”.

Ivo vanawo vanotsvagawo zvavo zvinovavaraidza kana vabva kuchikoro. Nzira dzekufambisa nguva idzi dzinosiyana, dzoitwa mazuva ano nedzakare. Zvikomana nezvisikana zvakare zvaiva nematandariro azvo akatosiyana neava kuitwa mazuva ano.

Mazuva ano nekuda kweruzivo rezvekushandisa zvechiRungu (technology), vana vava kuswera vakazvivharira mudzimba vachiona zvivhitivhiti apo panobuda zvakasiyana-siyana.

Muzvivhitivhiti umu munobuda mitambo yevadiki nevakuru zvekuti vana havachina nguva yekushamwaridzana navamwe munharaunda dzavanogara. Dandemutande reushamawri iro raitarisirwa nekudzidzisa vana hakuchina. Angova mazvake mazvake zvekuti hushamwari hwamandorokwati hapachina. Ndiko kusaka vana vemazuva ano vava kunyanyofarira zvekunze kwenyika zvimwe zvisina maturo nekuti ndizvo zvavanoona nguva dzose. Kutorwa kwezvinodhakwa kwaisavako makarekare asi iye zvino ivo vana vakamirira bvunzo ivava ndidzo dzava shasha dzemisombodhiya nezvimwe zvinodhaka. Zvinotangwa zvichiedzwa kuti tione kwazvinogumira wanei chatobaya chikatotyokera.

Chikaera chatyokera kuzoda kuchiburitsa chinobva chati nharo tiringindi wanikwe watova muranda weukorwa uchiri chindumurwa.

Vana vakare vaive nezvakawanda zvavaiita nemazera avo zvokuti hapana aiwanikwa achiita zvake zvake. Vakomana vaiita makwikwi ekuruka tyava kana kuti chamboko. Waiti ukaonekwa nevamwe uchiri kuruka mutatu waibva wasveveredzwa kumafuro nekuti ipapo vamwe vainge votogona kuruka ngunde yemutanhatu. Izvi zvega zvaikumanikidza kuti ubatane nevamwe kumakura muchidzidzisana murukirwo mutsva wetyava.

Vaisapererwa nekuti vabva mukuruka tyava vaizogadzira nhava iyi yaida makavi emutsamvi kana mupfuti. Mukugadzira nhava vamwe vaishandisa maoko ega asi vamwe vaishandisa dumbo kuti zvinake. Nhava idzi dzaishandiswa kutakurira mbuva kumafuro kana pakunovhima apo vavhimi vaizotakurira shavo dzavo imomo. Vaigadzira mvaisi nemupfuti iyo vaishandisa kurova mhuka neshiri.

Dzimwe nguva vaiteya madhibhura nemisungo kuti vagobata mhuka. Izvi zvaida hunyanzvi nekuti zvaisava nyore kuzokohweredza mhuka inenge yabatwa iri mhenyu mumusungo. Vaizoti kana vava kuda kuzorora pasi pemimvuri, vaibva vaburitsa makono enyimo votanga kudzisika.

Kudya kwaisavanetsa nekuti vaikama vanaSirika nanaManzuma mukaka vobva vaukodzeka, ipapo ipapo kumafuro ikoko vachishandisa muto wematunduru. Michero yaisava yenhamo.

Nguva iya inozorora mombe dzichizeya zvikomana zvinenge zvoita mutserendende zvichishandisa nhanzva. Ndiyo nguva zvakare yaidzidzirwa kuridza zvikokohwiyo nemheterwa nekuti mukomana chaiye akakwana aitofanirwa kugona kuridza mheterwa. Vasikanawo vaisangana kwavo kwaidzidzisana twakasiyana sekutunga chuma, kutsvaga rondo uye kuunganidza nekusunga masvinga ehuni. Vaisangana kurwizi uko vaikwesha man’a netsvanzva. Vaizonopinda musango vachisarudza hohwa hwakaita sefirifiti kana chihombiro kubva kune humwe hunouraya. Vaiunganidza tsombori netsambatsi zvekunodya navamwe kumba.

Vakomana apo vaitamba horikotyo vasikana vaitamba nhodo vozosangana manheru apo vaizotamba chinungu, chihwandehwande nesarurawako. Vaitamba zvakare jenaguru nechinyambera.

Mitambo yese iyi yaiitwa mumapoka zvekuti zvainetsa kuti munhu agobatana nezvake oga zvisina maturo. Vakomana vaizotakura huni dzedeza voenda pamatare apo vairairwa mararamiro akarurama uku vasikana vachirairwa nanaamai.

Share This:

Sponsored Links