MaRasta nemakoronga mumugwagwa

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
TIRI kurarama munguva dzakaoma kunge dombo rinotoda dharameta kuti ritsemuke. Ndichifamba muHarare ndakaona zvakandiratidza kuti kuvhima hakusisiri kwekupinda musango nembwa iwe wakabata tsvimbo nemiseve.

Vanhu muHarare vari kuvhima mikana, vari kuvhima mabasa, vari kuvhima mari. Vari kuvhima mari iri muhomwe, mabhegi nezvikwama zvevamwe vanhu kuti ive mari yavo.

Ndizvo zvave kuita kuti vakakwereta vaitire vavakakwereta hasha.

Ndizvowo zvave kuita kuti vasingatye Mwari vangofuma vachizvigadza huporofita hwekutaura matambudziko anopera kana wavapa mari.

Imo muHarare imomu, iro svondo rakapera irori, vamwe amai vechikuru vakanhonga $2 bond yaive yadonhedzwa nemumwe munhu. Asi vakati vachikotama kuti vainhonge, vakabva vabatwa ruoko nemumwe rasta, zvikanzi, “Mari iyi taiona tese amai, saka torai dhora ini nditore dhora.”

Amai vaye vakaona kuti mubatirwo wavakanga vakaitwa naRasta waive wepinjisi yakaruma waya – zvekuda kudambura chaizvo. Vakabva vati, “Handina chenji.” Ndinofunga kuti vaifunga kuti vakati handina chenji Rasta aibva avaregedza, asi Rasta uye akabva ati, “Chenji inotsvagwa amai, hamungadye dhora rangu.” Ndakashamisika kuti Rasta akanga ave kutoti dhora rangu akanga arishanda kupi?

Amai vaye vakatoozona kuti mubatirwo wavakanga vakaitwa naRasta waigona kuvaparira dzimwe. Saka vakabva vashevedza muchinda aitengesa airtime vakamukumbira chenji. Vapihwa chenji, vakapa Rasta dhora rake, achibva avaregedza.

Mumwe munyori akati, “Handifarire zvese. Handifarire hondo nevasingafarire hondo.”

Neniwo semuKristu, handifarire kumanikidza vanhu kuti vade Mwari nekuti Jesu haana kumbotanga hondo asi akatodzosera nzeve yemunhu yakanga yadimburwa naPeter nebanga.

SemuKristu, handidi kukurambidza kusarudza kusada Mwari nekuti Mwari haana kumbobvira arega kunayisa mvura muminda yevasingamufarire.

SemuKristu, handidi kuti ndimanikidzire maonero angu nekutenda kwangu kune vamwe vasiri maKristu, asi chandinoita kuti kutenda kwangu netsika dzehunhu hunotarisirwa muvanhu zvisaraswe nekutsokodzerwa.

Handifarire zvinhu zvinodira mvura pamufaro wangu kana wevamwe. Ini ndiri munhu anofara nguva zhinji, asi mazuva ano mufaro wangu mushoma kana ndichifamba pamugwagwa.

Haasi makoronga azara mumugwagwa semhezi dzemunhu ane gwembe. Ichokwadi ndiri kuaona makoronga ave kuita sekuti ane munhu ari kuaronga. Asi nekuda kwekuti motokari yangu haigone kudauka semhashu, ndave kungotiwo ndinzvenge makoronga ndichizvonyongoka senyoka, sendakadhakwa.

Asiwo ririko rimwe goronga remumugwagwa raunowana rakakugarira kunge guva rakamirira kuiswa bhokisi, zvekuti nyangwe umonyoroke nekuzvonyongoka zvakadii, unongonoti mariri huva.

Chokwadi unowira mugoronga riri mumugwagwa kufanana nemusuva wesadza uri kumedzwa nemunhu aswera kumaricho.

Chokwadi dai tsamwa dzese dzinoridzwa nevatyairi vemota vari kuwira mumakoronga ari mumugwagwa dzaiunganidzwa, dzaigadzira rima rekuti unogona kusendeka bhasikoro rikasadonha.

Zvino zvave kutiwo ukafamba kune dzimwe nzvimbo, unowana vakomana vakatonona mumugwagwa vachiti vari kugadzira nekuvhara makoronga ari mumugwagwa.

Asi chinondinetsa, unogona kudarika nepane goronga riri kugadziriswa nevakomana, unowana chokwadi vakakotama misana kunge zvirauro zviri mumvura.

Kana wodarika, unobva waona vakomana vachisimuka pabasa ravo vachikumbira dhora rekugadzira nzira. Kana ukadzoka nepo mushure memaawa maviri, unogona kuwana vakomana vakangokotama pagoronga rimwe chete. Makoronga aya ave evanhuka aya?

Saka patiri kuchema nekuwanda kwemakoronga muHarare nenzvimbo dzakakomberedza, kune vamwe vari kudya nemakoronga iwaya.

Vanoziva kuti vakamisa mota zana, pazana idzodzo makumi mashanu adzo dzinogona kusiya mari inenge dhora kana kudarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey