Mari dzechikoro hadzidi mbavha

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Mari dzechikoro hadzidi mbavha

Kwayedza

ZIMBABWE inozivikanwa zvikuru pasi rose munyaya yedzidzo izvo zvaona ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzemuAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora. Budiriro iyi yakavepo kuburikidza nekushanda nesimba kweHurumende yakabatana nemamwe mapoka akasiyana.

Nekudaro zvakakosha kuti nyika ino irambe ichisimbaradza dzidzo yayo kuburikidza nemushandirapamwe.

Asi zvakadaro, budiriro munyaya yedzidzo inogona kudzoserwa kumashure kana pakasatorwa matanho akasimba ekuona kuti mari dzinobviswa nevabereki muzvikoro dzashandiswa nemazvo.

Kune vamwe vakuru vezvikoro pamwe chete nemakomiti anomiririra vabereki emaSchool Development Committe (SDC) vari kuba mari dzechikoro. Uhu humbavha huri pachena nekudaro mutemo unofanira kuita basa rawo uye vanenge vaba mari dzechikoro ngavasungwe, vaendeswe kumatare edzimhosva kunotarisana nemhosva dzavo.

Tinowirirana zvikuru nemashoko emukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, ekuti mari yechikoro inofanira kushandiswa zvakanaka. Vachitaura, pamusangano wavakaita nevakuru vezvikoro pamwe nevemakomiti emaSDC mudunhu ravo, VaShumba vanoti mari dzechikoro dzinofanirwa kushandiswa nemazvo.

Vanokurudzira vabereki nevamwe veruzhinji vanenge vachida kumhan’ara kana kuzivisa nezvekusashandiswa zvakanaka kwemari dzechikoro kuti vanyore tutsamba vonotukanda mumasuggestion boxes anowanikwa kumahofisi edzidzo padanho redistrict kana purovhinzi.

Izvi zvinogona kuitwawo nevamwe vabereki vari kumatunhu akatekeshera nenyika sedanho rekuzivisa chitsotsi chinenge chichiitwa pamusoro pemari dzechikoro. Kazhinji unonzwa vabereki vachichema-chema maringe nekusagutsikana kwavo nekushandiswa kwemari dzechikoro asi vachishaya kuti vozvitaurira ani. Mari iri kunetsa kuwana nekudaro kana vabereki vabvisa mari yechikoro ngaishandiswe nemazvo.

Nemusi weChipiri svondo rino, pane nyaya yabursar wepaMuguta Secondary School, kuEpworth, muHarare yakapinda mumatare edzimhosva achipomerwa kuba mari inosvika $16 074,95.

Bursar uyu anonzi akaba mari iyi yaiva yefizi iyo yakabhadharwa kuburikidza neEcoCash uye aifanira kuzoiisa muakaundi rebhanga rechikoro. Nguva yadarika, mukuru wechikoro cheMhondoro Primary School chiri kwaMurehwa akabatwa nemhosva yekuba mari yechikoro pamwe nekupisa hofisi yaichengeterwa mari iyi senzira yekuda kuvhara humbavha hwaaive aita namabharani wepo.

Vaviri ava vakabatwa nemhosva ndokutongerwa kunodya refovhoro uye pari zvino vari kutopikira mhosva dzavo. Kune vamwe vakuru vezvikoro zvakare vane katsika kekukwereta mari yechikoro vachizoidzosera inove mhosva nekuti mari iyi haifanire kunge ichikwereteswa. Mari inenge yabviswa nevabereki ngaishandiswe kusimudzira dzidzo. Semaonero edu, zvakakosha kuti vabereki vapihwe ruzivo rwakadzama pamusoro pematanho avangatore kana vachinge vaona kuti mari yechikoro haaisi kushandiswa nemazvo.

Vakuru vezvikoro nevemakomiti eSDC havafanire kuita madiro aJojina nemari dzechikoro.

Share This:

Sponsored Links