‘Mari ndinopihwa ndaita ganyavhu’

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

Garnet Zvimba
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati aimbove murume wake haadi kuchengeta mwana wake uye nguva zhinji anozomupa mari kana atoita zvezvimbokoma.

Lilian Nyanhete akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Stanford Chikamwe achiti haasi kubhadhara $150 yemendenenzi iyo yaakatemerwa kuti abvise nedare iri nguva yadarika. “Kababa aka kaimbondipa mari asi dambudziko nderekuti mumadhirezi hakabve, kanenge kakaputirwa nemweya wepitikoti izvo zvinokatadzisa kuchengeta vana wako. Anotozondipa mari ndaita zveganyavhu kana zvezvibhakera,” akadaro Nyanhete.

“Mwana haasi wangu ndega zvave kundiremerawo. Mwana anotodzingirwa mari yechikoro oswera akachena muromo nenzara asi iye achipedzera mari nekuchengeta vana vevamwe varume. Anonyepa kuti ane mumwe mwana asi ari kutoshandiswawo nepfambi dzake,” akadaro Nyanhete.

Achipawo divi rake, Chikamwe akati pa$150 yaakanzi nedare abvise, imwe yacho yakange iri yekubhadharira mwana chikoro nekudaro aishaya kuti mari iyi inoshandiswa chii mimwe mwedzi sezvo chikoro chichibhadharwa kamwe chete patemu.

“Amai ava mari yavanotaura yakawandisa, handina kana kobiri ini, ndiri kutokangawo waya. Kutowana yekudya yangu pazuva ndinenge ndakwira gomo kutotsvaga mari, handina, handina,” akadaro Chikamwe.

“Ndaimbomupa mari asi ndakaona kuti ari kundishandisa nekuti mari yangu yandaimupa yakawandisa, ave kutotenga mafuta anotsvukisa, achitenga mucheno mwana wangu achifa nenzara.

“Ini handisi kutadza kuchengeta mwana wangu asi kuti iwe uri kuda kundishandisa. Mari ndichakupa katatu pagore iwe zvionere, handinei newe. Zviri nani kuchengeta vana vevamwe varume pane kuchengeta iwewe,” akadaro Chikamwe.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Chikamwe abhadhare $130 pamwedzi kubva pa$150.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey