Mari yasabhuku yamutsa chimoto

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
VARUME vaviri vekutengeserana sitendi yekuvaka imba vakatosvorana pamusoro pemari inofanirwa kubhadharwa kwasabhuku kuitira kuti nyakutenga azivikanwe munzvimbo yaari kuda kugara izvo zvakazoita kuti nyaya iyi isvike kumatare edzimhosva.

Irvene Nyandoro akaudza dare reHarare Civil Court kuti Gibson Chari ari kumuonesa pfumvu nekudaro anoda gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, muchiona ndauya nemusharukwa uyu zvinhu hazvina kumira zvakanaka kudivi rangu.

‘‘Ndakatengeserwa sitendi nemurume uyu tikawirirana kuti ndinobhadhara pashoma nepashoma kusvika ndapedza,” akadaro.

Akati paakapedza kubhadhara mari iyi ave kuda kuvaka akaona pasitendi pake pakaiswa matanda.

“Pandakabvunza vavakidzani vakati tanzi naVaChari tikuudzei kuti hamusati mave kukwanisa kuvaka, pari kudiwa mari yasabhuku.

‘‘Takabvisa $100 kekutanga asi patakadzoka kechipiri takaona paiswa matanda zvakare zvikanzi hausati wave kukwanisa kuvaka nekuti hauzivikanwe kwasabhuku. Zvino ndauyawo kuno kuti dare rindibatsirewo nokuti ini ndinoshandira kure saka ndinenge ndave kutotyira mhuri yangu,” akadaro Nyandoro.

Chari akaramba kuti ari kuda kubhadharisa Nyandoro muripo wekwasabhuku kaviri.

“Murume uyu anonyepa, handina kumboda kumubhadharisa mari kaviri-kaviri ini. Mari yesitendi yandakamutengesera akapedza kubhadhara asi yaasati abhadhara imari yasabhuku yekuti azivikanwe munzvimbo.

‘‘Iyo hatitombode kunyeperana, akasabhadhara mari iyoyo haatenderwe kuvaka.

‘‘Ndakamuti tinoenda tose akabata mari yake onotambidza sabhuku oga asi ini ndinofanira kunge ndiripo asi iye ave kuramba, handizive kuti chikonzero chii,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Nyandoro gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vagadzirisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links