Mari yekurwisa aids netb

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Mari yekurwisa aids netb

Kwayedza

HOFISI inomirira nyika yeCanada muZimbabwe yakubatana nesangano reJoint United Nations Programme nemamwe mapoka mukuzvekurwisa hutachiona hweHIV nedenda reAIDS.Vachitaura muguta reHarare nguva yadarika, mumiriri weCanada muZimbabwe, Ambassador Kumar Gupta, vanoti nyika yavo yakazvipira kusimudzira nyaya dzeutano.

“Chirongwa cheGlobal Fund chiri kuvandudza zvikuru nyaya dzekurwisa HIV neAIDS, marariya nerurindi (TB) muZimbabwe. Rutsigiro urwu rwunofanira kuramba rwuchienderera mberi,” vanodaro Ambassador Gupta.

Nyika yeCanada yakawedzera mari yainobvisa pasi pehomwe yeGlobal Fund nechikamu ne20% iyo yakapihwa kunyika yeZimbabwe uye pari zvino yave US$709 miriyoni.

Pamari iyi, US$611 inoshandiswa mukurwisa HIV/AIDS, US$59 miriyoni ichienda kumarariya kuchizoti US$39 miriyoni ichishandiswa mukurwisa chirwere cherurindi.

Mari iyi iri kushandiswa kubvira mugore ra2014 kusvika 2017.

Murongi kusangano reUnited Nations vari zvakare mumiririri weUnited Nations Development Programme, VaBishow Parajuli, vanoti chishuwo chavo kuti varambe vachitsigira Zimbabwe mukurwisa kupararira kweHIV.

“Zimbabwe yakakwanisa kuderedza kupararira kweutachiona hweHIV nechidimbu mumakore gumi nemashanu adarika asi basa iroro rinofanira kuramba richienderera mberi kusvika chirwere ichi chapera,” vanodaro VaParajuli.

Vanoti UNDP inoona nezvemashandisirwo emari yeGlobal Fund mukurwisa HIV/AIDS munyika muno sezvinoitwa kune dzimwe nyika.

VaParajuli vanoti mari inosvika US$20 miriyoni yakachengetedzeka nekuda kwekuti mitengo yemishonga uye zvekufambisa zvakaramba zvakaderera.

“Mari yose inosara inodzorerwa kuhomwe kuitira kuti munhu wose ange achikwanisa kuwaniswa mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Cde Aldrin Musiiwa vakatenda rutsigiro rwuri kuwaniswa Zimbabwe pasi pehomwe yeGlobal Fund mukurwisa HIV, TB nemarariya.

“Rutsigiro rwatiri kuwana kubva kuGlobal Fund rwunorerutsira zvimwe zvirongwa zvemuno izvo zvinobatsira mukurwisa HIV zvakadai seNational AIDS Trust inosanganisira AIDS Levy,” vanodaro.

Chiitiko ichi chakaona Mai Martha Tholanah, avo vakahwinha mubairo weElizabeth Taylor Human Rights Award mumwedzi waChikunguru gore rino, vachipembedzwa.

“Panyaya yekurwisa HIV, hakuna munhu anofanira kusiiwa nekuti zvinoda mushandirapamwe nekuona kuti munhu wose ari kurarama neutachiona hweHIV akwanisa kurapwa pachena kana kuti nemitengo yakaderera,” vanodaro Mai Tholanah.

VaMichael Bartos, vanove director weUNAIDS muZimbabwe, vanopembedza nyika ino mukurwisa HIV neAIDS.

Sangano reUnited Nations muZimbabwe, kuburikidza nechirongwa cheZimbabwe United Nations Development Assistance Framework (ZUNDAF), riri kubatsira mukurwisa HIV kuburikidza nekuwanisa rutsigiro rwemari muzvirongwa zvine chekuita neutano, kodzero dzevanhu nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume kubvira mugore ra2016 kusvika 2020.

Chirongwa cheAgenda for Sustainable Development Goal chegore ra2030 chine donzvo rekuona kuti muZimbabwe chikamu che90% chevanhu vose vari kurarama neHIV vange vachiziva mamiriro eutano hwavo maringe neutachiona uhu uye kuti vawaniswa mishonga yemaARVs.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>